Shure kwaiɀoɀo ndakanzwa inzwi guru seraʋazhinji‐zhinji kuɗeŋga, riciti: Hareruya! Ruponeso, nokubginya, nesimba ndeɀaMŋari weɗu; nokuti kutoŋga kwake ndokwaɀokwaɗi kwakarurama; nokuti wakatoŋga mhombge huru yakaʋodza nyika noʋupombge bgayo, akatsiʋa ropa raʋaranda ʋake paruʋoko rwayo. Ipapo ʋakapamhidza, ʋaciti: Hareruya! Ʋutsi bgayo bgunokwira nokusiŋgaperi‐peri. Ɀino Ʋakuru ʋanamakumi maʋiri naʋanna neɀisikwa ɀipenyu ɀinna ʋakawira pasi ʋakanamata Mŋari wakaŋga agere pacigaro coʋushe, ʋakati: Ameni, Hareruya! Inzwi rikabva pacigaro coʋushe, riciti: Rumbidzai Mŋari, imi mose ʋaranda ʋake, imi munomutya, ʋaɗuku naʋakuru. Ipapo ndakanzwa senzwi raʋazhinji‐zhinji, senzwi remvura zhinji, senzwi rokutinhira kukuru, riciti: Hareruya! Nokuti Ishe Mŋari weɗu wamasimba ose woɓata ʋushe. Ŋgatifarei, tifarisise, timukudze; nokuti mutambo wokuwana weGwaiana waȿika, mukadzi waro waɀigadzira. Wakapiwa simba kuti apfeke muceka wakanaka, unopenya, usinetȿina; nokuti muceka wakanaka ndiɀo ɀakarurama ɀaʋatȿene. Ɀino akati kwandiri: Nyora, uti: Ʋakaropafadzwa ʋakakokerwa kucirayiro cokuwana ceGwaiana. Akati kwandiri: Mashoko awa ndaaɀokwaɗi aMŋari. Ipapo ndakawira pasi pamberi petsoka dzake, kuti ndimunamate. Akati kwandiri: Rega kuɗaro, nokuti ndiri muranda pamŋe cete newe nehama dzako dzinoɓata kupupura kwaJesu; namata Mŋari, nokuti kupupura kwaJesu ndiwo mŋeya wokuprofita.
Verenga chikamu Ɀakazarurwa 19
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ɀakazarurwa 19:1-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo