Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 92:1-5

Mapisarema 92:1-5 BDSC

Zvakanaka kurumbidza Jehovha nokuimbira zita renyu nziyo, imi Wokumusoro-soro, kuparidza rudo rwenyu mangwanani nokutendeka kwenyu usiku, nechiridzwa chine hungiso gumi namaririro akanaka embira. Nokuti munondifadza namabasa enyu, imi Jehovha; ndinoimba nomufaro nokuda kwamabasa amaoko enyu. Haiwa Jehovha, mabasa enyu makuru seiko, ndangariro dzenyu dzakadzika sei!