Zvakanaka kuvonga Jehovha, Nokuimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imi Wokumusorosoro; Kuparidza unyoro hwenyu mangwanani, Nokutendeka kwenyu usiku hwose, Nechinoridzwa chine ungiso gumi, nomutengeranwa; Nezwi rakanaka pambira. Nokuti imi, Jehovha, makandifadza nezvamakaita; Ndichafara kwazvo namabasa amaoko enyu. Mabasa enyu akakura seiko, Jehovha! Mifungo yenyu yakadzika kwazvo.
Verenga chikamu Mapisarema 92
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 92:1-5
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo