Haiwa Jehovha, ndidzidzisei nzira yenyu, uye ndichafamba muzvokwadi yenyu; ndipei mwoyo mumwe, kuti ndigotya zita renyu. Ndichakurumbidzai, imi Ishe Mwari wangu, nomwoyo wangu wose; ndicharumbidza zita renyu nokusingaperi. Nokuti rudo rwenyu rukuru kwandiri; makandirwira paguva rakadzika. Haiwa Mwari, vanozvikudza vari kundirwisa; boka ravanhu vane utsinye rinotsvaka upenyu hwangu, vanhu vasina hanya nemi. Asi, imi Ishe, mune tsitsi uye muri Mwari ane nyasha, anononoka kutsamwa, azere norudo nokutendeka. Dzokerai kwandiri mundinzwire ngoni; ipai simba renyu kumuranda wenyu, uye muponese mwanakomana womurandakadzi wenyu. Ndipei chiratidzo chokunaka kwenyu, kuti vavengi vangu vazvione vagonyadziswa, nokuti imi Jehovha makandibatsira uye mukandinyaradza.
Verenga chikamu Mapisarema 86
Terera ku Mapisarema 86
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 86:11-17
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo