Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 86:11-17

Mapisarema 86:11-17 SNA2002

Ndidzidzisei nzira yenyu, Jehovha, ndichafamba muzvokwadi yenyu, Batanidzai mwoyo wangu kuti nditye zita renyu. Ndichakurumbidzai, Ishe Mwari wangu, nomwoyo wangu wose, Ndicharumbidza zita renyu nokusingaperi. Nokuti ngoni dzenyu ihuru kwandiri; Makarwira mweya wangu pagomba rakadzika-dzika. Mwari, vanozvikudza vakandimukira, Ungano yavanhu, vanomanikidza, vakatsvaka mweya wangu, Havana kukuisai pamberi pavo. Asi imi, Ishe muri Mwari une tsitsi nenyasha, Hamukurumidzi kutsamwa, mune ngoni zhinji nezvokwadi. Ringirai kwandiri, mundinzwire ngoni; Ipai muranda wenyu simba renyu, Muponese mwanakomana womurandakadzi wenyu. Ndiratidzei chiratidzo mundiitire zvakanaka; Kuti vanondivenga vazvione, vanyadziswe; Nokuti imi Jehovha, makandibatsira nokundinyaradza.