Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 86:11-17

Nziyo 86:11-17 SCLB

Ndidzidziseiwo nzira dzenyu TENZI kuti ndifambe muchokwadi chenyu; ndipeiwo mwoyo mumwechete pakutya zita renyu. Ndinokutendai TENZI Mwari wangu nomwoyo wangu wose uye ndicharumbidza zita renyu nokusingaperi nokuti mwoyochena wenyu kwandiri wakawanda; makandinunura pasi pasi munzvimbo yavakafa. Vanhu vanozvikudza vandimukira Mwari, chikwata chamadzenga chinoda kundiuraya havana hanya nemi. Asi imi TENZI muri Mwari ane tsitsi, ane mwoyo wakanaka. Mune mwoyo murefu; mune mwoyochena wakawanda uye makatendeka. Tendeukirai kwandiri mundinzwirewo ngoni. Ndisimbaradzeiwo ini muranda wenyu. Mundinunurewo ini mwana womurandakadzi wenyu. Ndiitireiwo chinoratidza kuti munofadzwa neni kuitira kuti vanondivenga vazvione vanyadziswe, nokuti imi TENZI munondibatsira nokundinyaradza.

Verenga chikamu Nziyo 86