Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 78:56-72

Mapisarema 78:56-72 BDSC

Asi vakaedza Mwari uye vakamukira Wokumusoro-soro; vakasachengeta zvirevo zvake. Vakanga vasingazvirereki uye vasina kutendeka samadzibaba avo, vasingavimbiki souta hunonyengera. Vakamutsamwisa nenzvimbo dzavo dzakakwirira; vakamutsa godo rake nokuda kwezvifananidzo zvavo. Mwari akati avanzwa akatsamwa zvikuru kwazvo; akaramba Israeri zvachose. Akasiya tabhenakeri yeShiro, iyo tende yaakanga amisa pakati pavanhu. Akaendesa areka yesimba rake kuutapwa, kubwinya kwake mumaoko omuvengi. Akaisa vanhu vake kumunondo; akatsamwira nhaka yake zvikuru kwazvo. Moto wakaparadza majaya avo, uye varandakadzi vavo vakashayiwa nziyo dzesvitsa; vaprista vavo vakanga vaiswa kumunondo, uye chirikadzi dzavo hadzina kugona kuchema. Ipapo Ishe akamuka somunhu anga akakotsira, somunhu amuka pakubatwa newaini. Akarova vavengi vake vakadzokera shure; akavanyadzisa nokusingaperi. Ipapo akaramba matende aJosefa, haana kusarudza rudzi rwaEfuremu; asi akasarudza rudzi rwaJudha, Gomo reZioni, raakada. Akavaka nzvimbo yake tsvene senhare yakakwirira, senyika yaakasimbisa nokusingaperi. Akasarudza Dhavhidhi muranda wake, akamutora kumatanga amakwai; akamubvisa pakufudza makwai kuti ave mufudzi wavanhu vake Jakobho, vaIsraeri nhaka yake. Uye Dhavhidhi akavafudza nokururama kwomwoyo; akavatungamirira namaoko ouchenjeri.