Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 78:56-72

Mapisarema 78:56-72 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Kunyaŋge ɀakaɗaro ʋakaidza Mŋari Wokumsoro‐soro, ʋakamumukira, Ʋakasaceŋgeta ɀipupuriro ɀake; Asi ʋakadzoka, ʋakaita ɀinonyeŋgera. Ʋakatsauka soʋuta ʋunonyeŋgera. Nokuti ʋakamutsa kutsamŋa kwake namatunhu aʋo akakwirira, Ʋakamutsa goɗo rake neɀifananidzo ɀaʋo ɀakaʋeziwa. Ɀino Mŋari wakati aciɀinzwa, akatsamŋa kwaɀo, Akasema Israeri kwaɀo‐kwaɀo. Akabva patabernakeri yeShiro, Tente raakaŋga akaisa pakati paʋanhu; Akaisa simba rake mukutapxa, Nokubginya kwake muruʋoko rwomudziʋisi. Ʋanhu ʋake wakaʋaisa ʋo kumunondo; Akatsamŋira nhaka yake kwaɀo. Mŋoto wakapedza majaya aʋo; Ʋasikana ʋaʋo haʋana‐kuimbirwa pakuwanikwa kwaʋo. Ʋaprista ʋaʋo ʋakaʋurawa nomunondo; Cirikadzi dzaʋo hadzina‐kucema. Ipapo Ishe wakapepuka somunhu wakaŋga aʋete, Semhare inoridza mhere nokuɗa kwewaini. Akaroʋa ʋadziʋisi ʋake, ʋakadzokera shure; Akaʋanyadzisa ɀisiŋgaperi. Wakaramba ʋo tente raJosefa, Akasasanaŋgura rudzi rwaEfraimi. Asi wakasanaŋgura rudzi rwaJuda, Negomo reZioni raakaŋga aciɗa. Akaʋaka nɀimbo yake tȿene senhare dzakakwirira, Sapasi paakateya nokusiŋgaperi. Wakasanaŋgura ʋo Davidi muranda wake, Akamubvisa pamataŋga amakwai; Akandomutora paaifudza matunɀi aimŋisa, Kuti aʋe mufudzi waʋanhu ʋake Jakobo, naIsraeri nhaka yake. Naiɀoɀo wakaʋafudza nokururama kwomŋoyo wake; Akaʋaperekedza noʋucenjeri bgamaʋoko ake.