Mapisarema 78:56-72
Mapisarema 78:56-72 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi vakaedza Mwari uye vakamukira Wokumusoro-soro; vakasachengeta zvirevo zvake. Vakanga vasingazvirereki uye vasina kutendeka samadzibaba avo, vasingavimbiki souta hunonyengera. Vakamutsamwisa nenzvimbo dzavo dzakakwirira; vakamutsa godo rake nokuda kwezvifananidzo zvavo. Mwari akati avanzwa akatsamwa zvikuru kwazvo; akaramba Israeri zvachose. Akasiya tabhenakeri yeShiro, iyo tende yaakanga amisa pakati pavanhu. Akaendesa areka yesimba rake kuutapwa, kubwinya kwake mumaoko omuvengi. Akaisa vanhu vake kumunondo; akatsamwira nhaka yake zvikuru kwazvo. Moto wakaparadza majaya avo, uye varandakadzi vavo vakashayiwa nziyo dzesvitsa; vaprista vavo vakanga vaiswa kumunondo, uye chirikadzi dzavo hadzina kugona kuchema. Ipapo Ishe akamuka somunhu anga akakotsira, somunhu amuka pakubatwa newaini. Akarova vavengi vake vakadzokera shure; akavanyadzisa nokusingaperi. Ipapo akaramba matende aJosefa, haana kusarudza rudzi rwaEfuremu; asi akasarudza rudzi rwaJudha, Gomo reZioni, raakada. Akavaka nzvimbo yake tsvene senhare yakakwirira, senyika yaakasimbisa nokusingaperi. Akasarudza Dhavhidhi muranda wake, akamutora kumatanga amakwai; akamubvisa pakufudza makwai kuti ave mufudzi wavanhu vake Jakobho, vaIsraeri nhaka yake. Uye Dhavhidhi akavafudza nokururama kwomwoyo; akavatungamirira namaoko ouchenjeri.
Mapisarema 78:56-72 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kunyange zvakadaro vakaidza Mwari Wokumusorosoro, vakamumukira, Vakasachengeta zvipupuriro zvake; Asi vadzoka, vakaita zvinonyengera. Vakatsauka souta hunonyengera. Nokuti vakamutsa kutsamwa kwake namatunhu avo akakwirira, Vakamutsa godo rake nezvifananidzo zvavo zvakaveziwa. Zvino Mwari akati achizvinzwa, akatsamwa kwazvo, Akasema Isiraeri kwazvo-kwazvo. Akabva patabhenakeri yeShiro, Tende raakanga akaisa pakati pavanhu; Akaisa simba rake mukutapwa, Nokubwinya kwake muruoko rwomudzivisi. Vanhu vake wakavaisawo kumunondo; Akatsamwira nhaka yake kwazvo. Moto wakapedza majaya avo; Vasikana vavo havana kuimbirwa pakuwanikwa kwavo. Vapristi vavo vakaurawa nomunondo; Chirikadzi dzavo hadzina kuchema. Ipapo Ishe akapepuka somunhu akanga avete, Semhare inoridza mhere nokuda kwewaini. Akarova vadzivisi vake, vakadzokera shure; Akavanyadzisa zvisingaperi. Akarambawo tende raJosefa, Akasanangura rudzi rwaEfuremu. Asi akasanangura rudzi rwaJudha, Negomo reZioni raakanga achida. Akavaka nzvimbo yake tsvene senhare dzakakwirira, Sapasi paakateya nokusingaperi. Akasanangurawo Dhavhidhi muranda wake, Akamubvisa pamatanga amakwai; Akandomutora paaifudza matunzvi aimwisa, Kuti ave mufudzi wavanhu vake Jakobho, naIsiraeri nhaka yake. Naizvozvo akavafudza nokururama kwomwoyo wake; Akavaperekedza nouchenjeri hwamaoko ake.
Mapisarema 78:56-72 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vakaedza Mwari Wokumusorosoro, vakamupandukira uye havana kuchengeta mitemo yake. Asi vakatotsauka vakaiita zvisina kutendeka samadzibaba avo; vakamonyoroka souta husina kutsarukana. Nokuti vakamushatirisa nenzvimbo dzavo dzokunamatira dzakatunhumara; vakaita kuti aite shanje nokuda kwezvifananidzo zvavo zvokunamata. Mwari paakazvinzwa akazara nehasha, akabva aramwa Isiraeri chaizvo. Akafuratira nzvimbo yake yaaigara kuShiro, dumba raaigara pakati pavanhu. Akaisa simba rake, paArika yechitenderano, kuutapwa, akaisa mbiri yake mumaoko omuvengi. Akapinza vanhu vake mukuuraiwa nebakatwa rehondo akavirukira nhaka yake nehasha. Majaya avo akavaroromesa nemoto, mhandara dzavo dzakashaya rumbo rwomuchato. Vapristi vavo vakauraiwa namapakatwa chirikadzi dzavo hadzina kuvachema. TENZI akaita seari kupepuka muhope segamba rakundwa newaini. Akagarisa vavengi vake pasi, akavanyadzisa zvinogara zvakadaro. Akaramba vemba yokwaJosefi. Akarega kusarudza vedzinza rokwaEfuremu, asi paakasarudza vedzinza rokwaJudha veGomo reZioni raanoda, akavaka ipapo nzvimbo yake inoera, nhunga makore chaiyo ikaita senyika yaakadzika pasichigare. Akasarudza Dhavhidhi muranda wake akamutora kumatanga ehwai. Akamubvisa mukufudza nhunzvi dzaiva navana, kuti ave mufudzi wevokwaJakobho vanhu vake Isiraeri, nhaka yake. Akavafudza nemwoyo uri pachokwadi akavatungamirira nouchenjeri.
Mapisarema 78:56-72 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kunyaŋge ɀakaɗaro ʋakaidza Mŋari Wokumsoro‐soro, ʋakamumukira, Ʋakasaceŋgeta ɀipupuriro ɀake; Asi ʋakadzoka, ʋakaita ɀinonyeŋgera. Ʋakatsauka soʋuta ʋunonyeŋgera. Nokuti ʋakamutsa kutsamŋa kwake namatunhu aʋo akakwirira, Ʋakamutsa goɗo rake neɀifananidzo ɀaʋo ɀakaʋeziwa. Ɀino Mŋari wakati aciɀinzwa, akatsamŋa kwaɀo, Akasema Israeri kwaɀo‐kwaɀo. Akabva patabernakeri yeShiro, Tente raakaŋga akaisa pakati paʋanhu; Akaisa simba rake mukutapxa, Nokubginya kwake muruʋoko rwomudziʋisi. Ʋanhu ʋake wakaʋaisa ʋo kumunondo; Akatsamŋira nhaka yake kwaɀo. Mŋoto wakapedza majaya aʋo; Ʋasikana ʋaʋo haʋana‐kuimbirwa pakuwanikwa kwaʋo. Ʋaprista ʋaʋo ʋakaʋurawa nomunondo; Cirikadzi dzaʋo hadzina‐kucema. Ipapo Ishe wakapepuka somunhu wakaŋga aʋete, Semhare inoridza mhere nokuɗa kwewaini. Akaroʋa ʋadziʋisi ʋake, ʋakadzokera shure; Akaʋanyadzisa ɀisiŋgaperi. Wakaramba ʋo tente raJosefa, Akasasanaŋgura rudzi rwaEfraimi. Asi wakasanaŋgura rudzi rwaJuda, Negomo reZioni raakaŋga aciɗa. Akaʋaka nɀimbo yake tȿene senhare dzakakwirira, Sapasi paakateya nokusiŋgaperi. Wakasanaŋgura ʋo Davidi muranda wake, Akamubvisa pamataŋga amakwai; Akandomutora paaifudza matunɀi aimŋisa, Kuti aʋe mufudzi waʋanhu ʋake Jakobo, naIsraeri nhaka yake. Naiɀoɀo wakaʋafudza nokururama kwomŋoyo wake; Akaʋaperekedza noʋucenjeri bgamaʋoko ake.
Mapisarema 78:56-72 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)