Vakaedza Mwari Wokumusorosoro, vakamupandukira uye havana kuchengeta mitemo yake. Asi vakatotsauka vakaiita zvisina kutendeka samadzibaba avo; vakamonyoroka souta husina kutsarukana. Nokuti vakamushatirisa nenzvimbo dzavo dzokunamatira dzakatunhumara; vakaita kuti aite shanje nokuda kwezvifananidzo zvavo zvokunamata. Mwari paakazvinzwa akazara nehasha, akabva aramwa Isiraeri chaizvo. Akafuratira nzvimbo yake yaaigara kuShiro, dumba raaigara pakati pavanhu. Akaisa simba rake, paArika yechitenderano, kuutapwa, akaisa mbiri yake mumaoko omuvengi. Akapinza vanhu vake mukuuraiwa nebakatwa rehondo akavirukira nhaka yake nehasha. Majaya avo akavaroromesa nemoto, mhandara dzavo dzakashaya rumbo rwomuchato. Vapristi vavo vakauraiwa namapakatwa chirikadzi dzavo hadzina kuvachema. TENZI akaita seari kupepuka muhope segamba rakundwa newaini. Akagarisa vavengi vake pasi, akavanyadzisa zvinogara zvakadaro. Akaramba vemba yokwaJosefi. Akarega kusarudza vedzinza rokwaEfuremu, asi paakasarudza vedzinza rokwaJudha veGomo reZioni raanoda, akavaka ipapo nzvimbo yake inoera, nhunga makore chaiyo ikaita senyika yaakadzika pasichigare. Akasarudza Dhavhidhi muranda wake akamutora kumatanga ehwai. Akamubvisa mukufudza nhunzvi dzaiva navana, kuti ave mufudzi wevokwaJakobho vanhu vake Isiraeri, nhaka yake. Akavafudza nemwoyo uri pachokwadi akavatungamirira nouchenjeri.
Verenga chikamu Nziyo 78
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 78:56-72
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo