Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 78:21-33

Mapisarema 78:21-33 BDSC

Jehovha akati avanzwa, akatsamwa zvikuru kwazvo; moto wake ukaveserwa Jakobho, uye hasha dzake dzikamukira Israeri, nokuti havana kutenda muna Mwari kana kuvimba nokurwira kwake. Asi akarayira matenga kumusoro akazarura makonhi okumatenga; akanayisa mana kuti vanhu vadye, akavapa zviyo zvokudenga. Vanhu vakadya chingwa chavatumwa; akavatumira zvokudya zvose zvavaigona kudya. Akazarura mhepo yokumabvazuva kubva kudenga, uye akafambisa mhepo yakabva zasi nesimba rake. Akavanayisira nyama pamusoro pavo seguruva, shiri dzinobhururuka dzakaita sejecha rokumhenderekedzo yegungwa. Akaita kuti dziburukire mumisasa yavo, dzakapoteredza matende avo ose. Vakadya kusvikira vaguta kwazvo, nokuti akanga avapa zvavakanga vachipanga. Asi vasati vafuratira chokudya chavaikarira, kunyange pachakanga chichiri pamiromo yavo, kutsamwa kwaMwari kwakavamukira; akauraya vakanga vakanyanya kusimba pakati pavo, akaparadza majaya eIsraeri. Kunyange zvakadaro, vakaramba vachingotadza; kunyange zvazvo zviratidzo zvake izvi zvaivapo, havana kutenda. Saka akagumisa mazuva avo nezvisina maturo, uye makore avo mukutya.