Mapisarema 78:21-33
Mapisarema 78:21-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha akati avanzwa, akatsamwa zvikuru kwazvo; moto wake ukaveserwa Jakobho, uye hasha dzake dzikamukira Israeri, nokuti havana kutenda muna Mwari kana kuvimba nokurwira kwake. Asi akarayira matenga kumusoro akazarura makonhi okumatenga; akanayisa mana kuti vanhu vadye, akavapa zviyo zvokudenga. Vanhu vakadya chingwa chavatumwa; akavatumira zvokudya zvose zvavaigona kudya. Akazarura mhepo yokumabvazuva kubva kudenga, uye akafambisa mhepo yakabva zasi nesimba rake. Akavanayisira nyama pamusoro pavo seguruva, shiri dzinobhururuka dzakaita sejecha rokumhenderekedzo yegungwa. Akaita kuti dziburukire mumisasa yavo, dzakapoteredza matende avo ose. Vakadya kusvikira vaguta kwazvo, nokuti akanga avapa zvavakanga vachipanga. Asi vasati vafuratira chokudya chavaikarira, kunyange pachakanga chichiri pamiromo yavo, kutsamwa kwaMwari kwakavamukira; akauraya vakanga vakanyanya kusimba pakati pavo, akaparadza majaya eIsraeri. Kunyange zvakadaro, vakaramba vachingotadza; kunyange zvazvo zviratidzo zvake izvi zvaivapo, havana kutenda. Saka akagumisa mazuva avo nezvisina maturo, uye makore avo mukutya.
Mapisarema 78:21-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Naizvozvo TENZI paakazvinzwa akazara nehasha. Akatungidza Jakobho nemoto. Hasha dzake dzakavirukira Isiraeri nokuti vakanga vasingatendeseki naMwari, havana kuvimba nesimba rake rokununura. Zvakadaro zvazvo akataurira matenga kumusoro akazarura makonhi okudenga. Akavanaisira mana kuti vadye akavapa chingwa chokudenga. Vanhu vakadya chingwa chavatumwa, akavatumira chokudya chakawanda. Akaita kuti mhepo yokumabvazuva ivhuvhute kumatenga. Akatungamirira nesimba mhepo yokumaodzanyemba. Akanaisa pavari nyama sohuruva, shiri dzina mapapiro sejecha ramakungwa. Akadzidonhesa pakati pamatendhe avo munharaunda yose yapavaigara. Vakadya vakanyatsoguta nokuti akavapa zvavaipanga. Asi havi yavo isati yambopera, chokudya chichiri mukanwa mavo, Mwari akavavirukira nehasha akauraya vakanyatsosimba vacho akarizha majaya akasvika eIsiraeri. Zvakadaro zvazvo vakangoramba vachitadza chete, kunyange nezvishamiso zvake havana kuvimba naye. Nezvo akanyangarisa mazuva avo sefemo, akanyangarisawo makore avo nepfumvu nechimbichimbi.

Mapisarema 78:21-33 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Saka Jehovha akanzwa, akatsamwa; Moto ukaveserwa Jakobho, Kutsamwa kukamukira Isiraeri; Nokuti havana kutenda Mwari, Havana kuvimba nokuponeswa kwake. Kunyange zvakadaro wakaraira denga rose kumusoro, Akazarura mikova yokudenga; Akanisa mana pamusoro pavo kuti vadye, Akapa zviyo zvokudenga. Vanhu vakadya chingwa chavatumwa; Akavatumira zvokudya kusvikira vaguta. Akabudisa mhepo yakabva mabvazuva, ikarira kudenga; Akafambisa mhepo yakabva nyasi nesimba rake. Akanisawo nyama pamusoro pavo ikaita seguruva, Neshiri, dzina mapapiro, dzikaita sejecha regungwa; Akazviwisira pakati pemisasa yavo, Pose-pose pavakanga vagere. Ipapo vakadya, vakaguta kwazvo; Akavapa zvavakanga vachikarira. Vakanga vasati vanyaradza kukara kwavo, Zvokudya zvavo zvakanga zvichiri mumiromo yavo, Kutsamwa kwaMwari kukavamukira, Akauraya vakakoresa pakati pavo, Akaparadza majaya aIsiraeri. Kunyange zvakadaro vakaramba vachitadza, Vakasatenda mabasa ake aishamisa. Saka akapedza mazuva avo panezvisina maturo, Namakore avo panezvinotyisa.
Mapisarema 78:21-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo TENZI paakazvinzwa akazara nehasha. Akatungidza Jakobho nemoto. Hasha dzake dzakavirukira Isiraeri nokuti vakanga vasingatendeseki naMwari, havana kuvimba nesimba rake rokununura. Zvakadaro zvazvo akataurira matenga kumusoro akazarura makonhi okudenga. Akavanaisira mana kuti vadye akavapa chingwa chokudenga. Vanhu vakadya chingwa chavatumwa, akavatumira chokudya chakawanda. Akaita kuti mhepo yokumabvazuva ivhuvhute kumatenga. Akatungamirira nesimba mhepo yokumaodzanyemba. Akanaisa pavari nyama sohuruva, shiri dzina mapapiro sejecha ramakungwa. Akadzidonhesa pakati pamatendhe avo munharaunda yose yapavaigara. Vakadya vakanyatsoguta nokuti akavapa zvavaipanga. Asi havi yavo isati yambopera, chokudya chichiri mukanwa mavo, Mwari akavavirukira nehasha akauraya vakanyatsosimba vacho akarizha majaya akasvika eIsiraeri. Zvakadaro zvazvo vakangoramba vachitadza chete, kunyange nezvishamiso zvake havana kuvimba naye. Nezvo akanyangarisa mazuva avo sefemo, akanyangarisawo makore avo nepfumvu nechimbichimbi.
Mapisarema 78:21-33 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Saka Jehova wakanzwa, akatsamŋa; Mŋoto ukaʋeserwa Jakobo, Kutsamŋa kukamukira Israeri; Nokuti haʋana‐kutenda Mŋari, Haʋana‐kuʋimba nokuponesa kwake. Kunyaŋge ɀakaɗaro wakaraira ɗeŋga rose kumsoro, Akazarura mikoʋa yokuɗeŋga; Akanisa mana pamsoro paʋo kuti ʋadye, Akaʋapa ɀiyo ɀokuɗeŋga. Ʋanhu ʋakadya ciŋgwa caʋatumŋa; Wakaʋatumira ɀokudya kuȿikira ʋaguta. Wakaɓuɗisa mhepo yakabva mabvazuʋa, ikarira kuɗeŋga; Akafambisa mhepo yakabva nyasi nesimba rake. Wakanisa ʋo nyama pamsoro paʋo ikaita seguruʋa, Neshiri, dzinamapapiro, dzikaita sejeca reguŋgwa; Wakaɀiwisira pakati pemisasa yaʋo, Pose‐pose paʋakaŋga ʋagere. Ipapo ʋakadya, ʋakaguta kwaɀo; Akaʋapa ɀaʋakaŋga ʋacikarira. Ʋakaŋga ʋasati ʋanyaradza kukara kwaʋo, Ɀokudya ɀaʋo ɀakaŋga ɀiciri mumiromo yaʋo, Kutsamŋa kwaMŋari kukaʋamukira, Akaʋuraya ʋakakoresa pakati paʋo, Akaparadza majaya aIsraeri. Kunyaŋge ɀakaɗaro ʋakaramba ʋacitadza, Ʋakasatenda maɓasa ake aishamisa. Saka wakapedza mazuʋa aʋo paneɀisinamaturo, Namakore aʋo paneɀinotyisa.