Saka Jehovha akanzwa, akatsamwa; Moto ukaveserwa Jakobho, Kutsamwa kukamukira Isiraeri; Nokuti havana kutenda Mwari, Havana kuvimba nokuponeswa kwake. Kunyange zvakadaro wakaraira denga rose kumusoro, Akazarura mikova yokudenga; Akanisa mana pamusoro pavo kuti vadye, Akapa zviyo zvokudenga. Vanhu vakadya chingwa chavatumwa; Akavatumira zvokudya kusvikira vaguta. Akabudisa mhepo yakabva mabvazuva, ikarira kudenga; Akafambisa mhepo yakabva nyasi nesimba rake. Akanisawo nyama pamusoro pavo ikaita seguruva, Neshiri, dzina mapapiro, dzikaita sejecha regungwa; Akazviwisira pakati pemisasa yavo, Pose-pose pavakanga vagere. Ipapo vakadya, vakaguta kwazvo; Akavapa zvavakanga vachikarira. Vakanga vasati vanyaradza kukara kwavo, Zvokudya zvavo zvakanga zvichiri mumiromo yavo, Kutsamwa kwaMwari kukavamukira, Akauraya vakakoresa pakati pavo, Akaparadza majaya aIsiraeri. Kunyange zvakadaro vakaramba vachitadza, Vakasatenda mabasa ake aishamisa. Saka akapedza mazuva avo panezvisina maturo, Namakore avo panezvinotyisa.
Verenga chikamu Mapisarema 78
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 78:21-33
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo