Naizvozvo TENZI paakazvinzwa akazara nehasha. Akatungidza Jakobho nemoto. Hasha dzake dzakavirukira Isiraeri nokuti vakanga vasingatendeseki naMwari, havana kuvimba nesimba rake rokununura. Zvakadaro zvazvo akataurira matenga kumusoro akazarura makonhi okudenga. Akavanaisira mana kuti vadye akavapa chingwa chokudenga. Vanhu vakadya chingwa chavatumwa, akavatumira chokudya chakawanda. Akaita kuti mhepo yokumabvazuva ivhuvhute kumatenga. Akatungamirira nesimba mhepo yokumaodzanyemba. Akanaisa pavari nyama sohuruva, shiri dzina mapapiro sejecha ramakungwa. Akadzidonhesa pakati pamatendhe avo munharaunda yose yapavaigara. Vakadya vakanyatsoguta nokuti akavapa zvavaipanga. Asi havi yavo isati yambopera, chokudya chichiri mukanwa mavo, Mwari akavavirukira nehasha akauraya vakanyatsosimba vacho akarizha majaya akasvika eIsiraeri. Zvakadaro zvazvo vakangoramba vachitadza chete, kunyange nezvishamiso zvake havana kuvimba naye. Nezvo akanyangarisa mazuva avo sefemo, akanyangarisawo makore avo nepfumvu nechimbichimbi.
Verenga chikamu Nziyo 78
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 78:21-33
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo