Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 78:1-39

Mapisarema 78:1-39 BDSC

Haiwa vanhu vangu, inzwai kudzidzisa kwangu; teererai mashoko omuromo wangu. Ndichashamisa muromo wangu nditaure nomufananidzo, ndichataura zvinhu zvakavanzika, zvinhu zvakare kare, zvatakanzwa nezvatakaziva, zvatakaudzwa namadzibaba edu. Hatingazozvivanziri vana vavo; tichaudza rudzi runotevera mabasa angarumbidzwa aJehovha, simba rake, nezvishamiso zvaakaita. Akatema zvirevo zvaJakobho akasimbisa murayiro muIsraeri, waakarayira madzitateguru edu kuti vadzidzise vana vavo, kuti rudzi runotevera ruzvizive, kunyange vana vachazoberekwa, naivo vagozoudzawo vana vavo. Ipapo vachavimba naMwari wavo uye havangazokanganwi mabasa ake asi vachazochengeta mirayiro yake. Havazofanani namadzitateguru avo, rudzi rwakanga rwakasindimara uye rwaimumukira, mwoyo yavo yakanga isingateereri Mwari, mweya yavo yakanga isina kutendeka kwaari. Vanhu vokwaEfuremu, kunyange vakanga vakapakata uta, vakadzokera shure pazuva rokurwa; havana kuchengeta sungano yaMwari, uye vakaramba kufamba maererano nomurayiro wake. Vakakanganwa zvaakaita, zvishamiso zvaakavaratidza. Akaita zviratidzo pamberi pamadzibaba avo munyika yeIjipiti, mudunhu reZoani. Akapamura gungwa akavayambutsa napakati; akaita kuti mvura imire yakasimba sorusvingo. Akavatungamirira negore masikati, uye nechiedza chomoto usiku hwose. Akapamura ruware mugwenga akavapa mvura yakawanda seyamakungwa; akabudisa hova dzemvura paruware akaita kuti iyerere seyenzizi. Asi vakaramba vachingomutadzira, vachimukira Wokumusoro-soro mugwenga. Vakaedza Mwari nobwoni vachimugombedzera kuti avape zvokudya zvavaipanga. Vakapopotera Mwari, vachiti, “Ko, Mwari angawadzira tafura mugwenga here? Paakarova dombo, mvura yakatubuka, uye hova dzakayerera mvura zhinji. Asi angagona kutipawo zvokudya here? Angavigira vanhu vake nyama here?” Jehovha akati avanzwa, akatsamwa zvikuru kwazvo; moto wake ukaveserwa Jakobho, uye hasha dzake dzikamukira Israeri, nokuti havana kutenda muna Mwari kana kuvimba nokurwira kwake. Asi akarayira matenga kumusoro akazarura makonhi okumatenga; akanayisa mana kuti vanhu vadye, akavapa zviyo zvokudenga. Vanhu vakadya chingwa chavatumwa; akavatumira zvokudya zvose zvavaigona kudya. Akazarura mhepo yokumabvazuva kubva kudenga, uye akafambisa mhepo yakabva zasi nesimba rake. Akavanayisira nyama pamusoro pavo seguruva, shiri dzinobhururuka dzakaita sejecha rokumhenderekedzo yegungwa. Akaita kuti dziburukire mumisasa yavo, dzakapoteredza matende avo ose. Vakadya kusvikira vaguta kwazvo, nokuti akanga avapa zvavakanga vachipanga. Asi vasati vafuratira chokudya chavaikarira, kunyange pachakanga chichiri pamiromo yavo, kutsamwa kwaMwari kwakavamukira; akauraya vakanga vakanyanya kusimba pakati pavo, akaparadza majaya eIsraeri. Kunyange zvakadaro, vakaramba vachingotadza; kunyange zvazvo zviratidzo zvake izvi zvaivapo, havana kutenda. Saka akagumisa mazuva avo nezvisina maturo, uye makore avo mukutya. Pose pavaiurayiwa naMwari, ndipo pavaimutsvaka; vaishingairira kudzokerazve kwaari. Vakarangarira kuti Mwari ndiye Dombo ravo, kuti Mwari Wokumusoro-soro ndiye Mudzikinuri wavo. Asizve vaingomubata kumeso nemiromo yavo, vachimurevera nhema nendimi dzavo; mwoyo yavo yakanga isina kutendeka kwaari, vakanga vasina kutendeka pasungano yake. Kunyange zvakadaro iye akavanzwira tsitsi; akavakanganwira kuipa kwavo akasavaparadza. Nguva nenguva akadzora kutsamwa kwake, uye haana kumutsa hasha dzake dzose. Akarangarira kuti ivo vaingova nyama bedzi, mhepo inopfuura isingadzoki.