Mapisarema 78:1-39
Mapisarema 78:1-39 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Teererai murayiro wangu, imi vanhu vangu; Rerekerai nzeve dzenyu munzwe mashoko omuromo wangu. Ndichashamisa muromo wangu nditaure nomufananidzo; Ndichaparidza mashoko akavanzika ekare, Zvatakanzwa nezvatakaziva, Nezvatakaudzwa namadzibaba edu. Hatingazvivanziri vana vavo, Asi tichaudza rudzi runotevera mabasa angarumbidzwa aJehovha, Nesimba rake, namabasa ake, anoshamisa, aakaita. Nokuti akamutsa chipupuriro pakati paJakobho, Akatema murayiro pakati paIsiraeri, Akazviraira madzibaba edu, Kuti vazvizivise vana vavo; Kuti rudzi runotevera ruzvizive, ivo vana vachazoberekwa; Ivo vasimuke vazviudze vana vavo; Kuti tariro yavo ive kuna Mwari, Varege kukanganwa mabasa aMwari, Asi vachengete mirairo yake; Varege kufanana namadzibaba avo, Rwakanga ruri rudzi rusingateereri, rwakamukira Mwari. Rudzi rwakaramba kururamisa mwoyo yavo, Uye mweya yavo yakanga isinakutendeka kuna Mwari. Vana vaEfuraimu, kunyange vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa nouta, Vakadzokera shure pazuva rokurwa. Havana kuchengeta sungano yaMwari, Vakaramba kufamba nomurayiro wake; Vakakanganwa zvaakaita, Namabasa ake akashamisa, aakavaratidza. Wakaita zvinhu zvinoshamisa pamberi pamadzibaba avo, Panyika yeIjipiti, pasango reZoani. Wakapamura gungwa, akavayambusa; Akamisa mvura ikafanana nomurwi. Masikatiwo wakavafambisa negore, Nousiku hwose nechiedza chomoto. Wakapamura matombo murenje, Akavanwisa zvakanaka kwazvo sapamvura inobva pakadzika. Akabudisawo hova dzemvura padombo, Akayererisa mvura zhinji yakaita senzizi. Kunyange zvakadaro vakaramba vachimutadzira, Nokumukira Wokumusorosoro murenje. Vakaidza Mwari mumwoyo mavo Vachikumbira zvokudya zvavakanga vachidawo. Zvirokwazvo, vakapopotera Mwari; Vakati, “Mwari angatigadzirira chokudya murenje here? Tarirai, akarova dombo, mvura zhinji ikadzutuka, Hova dzakayerera; Ko angapa chingwawo here? Ungavigira vanhu vake nyama here?” Saka Jehovha akanzwa, akatsamwa; Moto ukaveserwa Jakobho, Kutsamwa kukamukira Isiraeri; Nokuti havana kutenda Mwari, Havana kuvimba nokuponeswa kwake. Kunyange zvakadaro wakaraira denga rose kumusoro, Akazarura mikova yokudenga; Akanisa mana pamusoro pavo kuti vadye, Akapa zviyo zvokudenga. Vanhu vakadya chingwa chavatumwa; Akavatumira zvokudya kusvikira vaguta. Akabudisa mhepo yakabva mabvazuva, ikarira kudenga; Akafambisa mhepo yakabva nyasi nesimba rake. Akanisawo nyama pamusoro pavo ikaita seguruva, Neshiri, dzina mapapiro, dzikaita sejecha regungwa; Akazviwisira pakati pemisasa yavo, Pose-pose pavakanga vagere. Ipapo vakadya, vakaguta kwazvo; Akavapa zvavakanga vachikarira. Vakanga vasati vanyaradza kukara kwavo, Zvokudya zvavo zvakanga zvichiri mumiromo yavo, Kutsamwa kwaMwari kukavamukira, Akauraya vakakoresa pakati pavo, Akaparadza majaya aIsiraeri. Kunyange zvakadaro vakaramba vachitadza, Vakasatenda mabasa ake aishamisa. Saka akapedza mazuva avo panezvisina maturo, Namakore avo panezvinotyisa. Zvino akati achivauraya, ipapo vakamubvunza; Vakadzoka, vakashingaira kutsvaka Mwari. Vakarangarira kuti Mwari ndiye dombo ravo, NaMwari Wokumusorosoro mudzikinuri wavo. Asi vakamubata kumeso nomuromo wavo, Vakamurevera nhema nendimi dzavo. Nokuti mwoyo yavo yakanga isina kururama kwaari, Uye vakanga vasina kutendeka pasungano yake. Asi iye, zvaakanga ane nyasha huru, akavakanganwira kuipa kwavo, akasavaparadza; Zvirokwazvo, kazhinji akadzora kutsamwa kwake, Akasamutsa hasha dzake dzose. Akarangarira kuti vakanga vari nyama bedzi; Nemhepo, inopfuura, isingadzokizve.
Mapisarema 78:1-39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Haiwa vanhu vangu, inzwai kudzidzisa kwangu; teererai mashoko omuromo wangu. Ndichashamisa muromo wangu nditaure nomufananidzo, ndichataura zvinhu zvakavanzika, zvinhu zvakare kare, zvatakanzwa nezvatakaziva, zvatakaudzwa namadzibaba edu. Hatingazozvivanziri vana vavo; tichaudza rudzi runotevera mabasa angarumbidzwa aJehovha, simba rake, nezvishamiso zvaakaita. Akatema zvirevo zvaJakobho akasimbisa murayiro muIsraeri, waakarayira madzitateguru edu kuti vadzidzise vana vavo, kuti rudzi runotevera ruzvizive, kunyange vana vachazoberekwa, naivo vagozoudzawo vana vavo. Ipapo vachavimba naMwari wavo uye havangazokanganwi mabasa ake asi vachazochengeta mirayiro yake. Havazofanani namadzitateguru avo, rudzi rwakanga rwakasindimara uye rwaimumukira, mwoyo yavo yakanga isingateereri Mwari, mweya yavo yakanga isina kutendeka kwaari. Vanhu vokwaEfuremu, kunyange vakanga vakapakata uta, vakadzokera shure pazuva rokurwa; havana kuchengeta sungano yaMwari, uye vakaramba kufamba maererano nomurayiro wake. Vakakanganwa zvaakaita, zvishamiso zvaakavaratidza. Akaita zviratidzo pamberi pamadzibaba avo munyika yeIjipiti, mudunhu reZoani. Akapamura gungwa akavayambutsa napakati; akaita kuti mvura imire yakasimba sorusvingo. Akavatungamirira negore masikati, uye nechiedza chomoto usiku hwose. Akapamura ruware mugwenga akavapa mvura yakawanda seyamakungwa; akabudisa hova dzemvura paruware akaita kuti iyerere seyenzizi. Asi vakaramba vachingomutadzira, vachimukira Wokumusoro-soro mugwenga. Vakaedza Mwari nobwoni vachimugombedzera kuti avape zvokudya zvavaipanga. Vakapopotera Mwari, vachiti, “Ko, Mwari angawadzira tafura mugwenga here? Paakarova dombo, mvura yakatubuka, uye hova dzakayerera mvura zhinji. Asi angagona kutipawo zvokudya here? Angavigira vanhu vake nyama here?” Jehovha akati avanzwa, akatsamwa zvikuru kwazvo; moto wake ukaveserwa Jakobho, uye hasha dzake dzikamukira Israeri, nokuti havana kutenda muna Mwari kana kuvimba nokurwira kwake. Asi akarayira matenga kumusoro akazarura makonhi okumatenga; akanayisa mana kuti vanhu vadye, akavapa zviyo zvokudenga. Vanhu vakadya chingwa chavatumwa; akavatumira zvokudya zvose zvavaigona kudya. Akazarura mhepo yokumabvazuva kubva kudenga, uye akafambisa mhepo yakabva zasi nesimba rake. Akavanayisira nyama pamusoro pavo seguruva, shiri dzinobhururuka dzakaita sejecha rokumhenderekedzo yegungwa. Akaita kuti dziburukire mumisasa yavo, dzakapoteredza matende avo ose. Vakadya kusvikira vaguta kwazvo, nokuti akanga avapa zvavakanga vachipanga. Asi vasati vafuratira chokudya chavaikarira, kunyange pachakanga chichiri pamiromo yavo, kutsamwa kwaMwari kwakavamukira; akauraya vakanga vakanyanya kusimba pakati pavo, akaparadza majaya eIsraeri. Kunyange zvakadaro, vakaramba vachingotadza; kunyange zvazvo zviratidzo zvake izvi zvaivapo, havana kutenda. Saka akagumisa mazuva avo nezvisina maturo, uye makore avo mukutya. Pose pavaiurayiwa naMwari, ndipo pavaimutsvaka; vaishingairira kudzokerazve kwaari. Vakarangarira kuti Mwari ndiye Dombo ravo, kuti Mwari Wokumusoro-soro ndiye Mudzikinuri wavo. Asizve vaingomubata kumeso nemiromo yavo, vachimurevera nhema nendimi dzavo; mwoyo yavo yakanga isina kutendeka kwaari, vakanga vasina kutendeka pasungano yake. Kunyange zvakadaro iye akavanzwira tsitsi; akavakanganwira kuipa kwavo akasavaparadza. Nguva nenguva akadzora kutsamwa kwake, uye haana kumutsa hasha dzake dzose. Akarangarira kuti ivo vaingova nyama bedzi, mhepo inopfuura isingadzoki.
Mapisarema 78:1-39 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Teererai murayiro wangu, imi vanhu vangu; Rerekerai nzeve dzenyu munzwe mashoko omuromo wangu. Ndichashamisa muromo wangu nditaure nomufananidzo; Ndichaparidza mashoko akavanzika ekare, Zvatakanzwa nezvatakaziva, Nezvatakaudzwa namadzibaba edu. Hatingazvivanziri vana vavo, Asi tichaudza rudzi runotevera mabasa angarumbidzwa aJehovha, Nesimba rake, namabasa ake, anoshamisa, aakaita. Nokuti akamutsa chipupuriro pakati paJakobho, Akatema murayiro pakati paIsiraeri, Akazviraira madzibaba edu, Kuti vazvizivise vana vavo; Kuti rudzi runotevera ruzvizive, ivo vana vachazoberekwa; Ivo vasimuke vazviudze vana vavo; Kuti tariro yavo ive kuna Mwari, Varege kukanganwa mabasa aMwari, Asi vachengete mirairo yake; Varege kufanana namadzibaba avo, Rwakanga ruri rudzi rusingateereri, rwakamukira Mwari. Rudzi rwakaramba kururamisa mwoyo yavo, Uye mweya yavo yakanga isinakutendeka kuna Mwari. Vana vaEfuraimu, kunyange vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa nouta, Vakadzokera shure pazuva rokurwa. Havana kuchengeta sungano yaMwari, Vakaramba kufamba nomurayiro wake; Vakakanganwa zvaakaita, Namabasa ake akashamisa, aakavaratidza. Wakaita zvinhu zvinoshamisa pamberi pamadzibaba avo, Panyika yeIjipiti, pasango reZoani. Wakapamura gungwa, akavayambusa; Akamisa mvura ikafanana nomurwi. Masikatiwo wakavafambisa negore, Nousiku hwose nechiedza chomoto. Wakapamura matombo murenje, Akavanwisa zvakanaka kwazvo sapamvura inobva pakadzika. Akabudisawo hova dzemvura padombo, Akayererisa mvura zhinji yakaita senzizi. Kunyange zvakadaro vakaramba vachimutadzira, Nokumukira Wokumusorosoro murenje. Vakaidza Mwari mumwoyo mavo Vachikumbira zvokudya zvavakanga vachidawo. Zvirokwazvo, vakapopotera Mwari; Vakati, “Mwari angatigadzirira chokudya murenje here? Tarirai, akarova dombo, mvura zhinji ikadzutuka, Hova dzakayerera; Ko angapa chingwawo here? Ungavigira vanhu vake nyama here?” Saka Jehovha akanzwa, akatsamwa; Moto ukaveserwa Jakobho, Kutsamwa kukamukira Isiraeri; Nokuti havana kutenda Mwari, Havana kuvimba nokuponeswa kwake. Kunyange zvakadaro wakaraira denga rose kumusoro, Akazarura mikova yokudenga; Akanisa mana pamusoro pavo kuti vadye, Akapa zviyo zvokudenga. Vanhu vakadya chingwa chavatumwa; Akavatumira zvokudya kusvikira vaguta. Akabudisa mhepo yakabva mabvazuva, ikarira kudenga; Akafambisa mhepo yakabva nyasi nesimba rake. Akanisawo nyama pamusoro pavo ikaita seguruva, Neshiri, dzina mapapiro, dzikaita sejecha regungwa; Akazviwisira pakati pemisasa yavo, Pose-pose pavakanga vagere. Ipapo vakadya, vakaguta kwazvo; Akavapa zvavakanga vachikarira. Vakanga vasati vanyaradza kukara kwavo, Zvokudya zvavo zvakanga zvichiri mumiromo yavo, Kutsamwa kwaMwari kukavamukira, Akauraya vakakoresa pakati pavo, Akaparadza majaya aIsiraeri. Kunyange zvakadaro vakaramba vachitadza, Vakasatenda mabasa ake aishamisa. Saka akapedza mazuva avo panezvisina maturo, Namakore avo panezvinotyisa. Zvino akati achivauraya, ipapo vakamubvunza; Vakadzoka, vakashingaira kutsvaka Mwari. Vakarangarira kuti Mwari ndiye dombo ravo, NaMwari Wokumusorosoro mudzikinuri wavo. Asi vakamubata kumeso nomuromo wavo, Vakamurevera nhema nendimi dzavo. Nokuti mwoyo yavo yakanga isina kururama kwaari, Uye vakanga vasina kutendeka pasungano yake. Asi iye, zvaakanga ane nyasha huru, akavakanganwira kuipa kwavo, akasavaparadza; Zvirokwazvo, kazhinji akadzora kutsamwa kwake, Akasamutsa hasha dzake dzose. Akarangarira kuti vakanga vari nyama bedzi; Nemhepo, inopfuura, isingadzokizve.
Mapisarema 78:1-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Teererai vanhu vangu kune zvandinokudzidzisai, rerekerai nzeve dzenyu kumazwi omuromo wangu. Ndichazarura muromo wangu nomufananidzo ndichataura madimikira akadzama apasichigare, zvinhu zvatakanzwa zvatinoziva, zvatakaudzwa namadzitateguru edu. Hatingazvivanziri vana vavo, asi tinozvitaurira zvizvarwa zvinotevera, zviito zvaTENZI nesimba rake nezvishamiso zvaakaita. Akadzika mutemo maJakobho akatema mutemo muIsiraeri yaakati madzibaba edu adzidzise vana vavo kuitira kuti chizvarwa chinotevera chizvizive, ichocho chichazvarwa chimuke chizotaurirawo vana vacho kuti vaise chivimbo chavo muna Mwari varege kukanganwa mabasa aMwari, asi kuti vachengete mitemo yake uye kuti varege kuita samadzibaba avo vaiva tsvuuramuromo nechizvarwa chakapanduka, vaiva chizvarwa chisina kugadzana mwoyo, vakanga vasina mweya wokutendeka kuna Mwari. VokwaEfuremu vaive vakapakata miseve nouta, vakadzokera shure pazuva rehondo. Havana kuchengeta chitenderano chaMwari. Vakatoramba kutevera mutemo wake. Vakakanganwa zvaakanga aita uye zvishamiso zvaakanga avaratidza. Akaita minana pamberi pamadzitateguru avo munyika eIjipiti, mumasango okuZoani. Akaganhura gungwa akavapfuudza nomo akamisa mvura kuita murwi. Kumasikati aivatungamirira negore, usiku hwose aivatungamirira nerimi romoto. Akatsemura matombo murenje akavapa mvura yokunwa yakawanda sokunge yaibva pasi pasi chaipo. Akaburitsa tukova mudombo akaita kuti mvura iyerere sehova. Asi vakatoramba vachimutadzira vachipandukira wokumusorosoro murenje. Vakaedza Mwari mumwoyo yavo nokuramba vachingokumbira chokudya chavaipanga. Vakapopotera Mwari vachiti, “Mwari angaisire vanhu chokudya pamberi pavo murenje here? Akarova dombo wani mvura ikapozhoka, tukova tukafashukira. Angakwanise kupa chingwa here kana kupa vanhu vake nyama?” Naizvozvo TENZI paakazvinzwa akazara nehasha. Akatungidza Jakobho nemoto. Hasha dzake dzakavirukira Isiraeri nokuti vakanga vasingatendeseki naMwari, havana kuvimba nesimba rake rokununura. Zvakadaro zvazvo akataurira matenga kumusoro akazarura makonhi okudenga. Akavanaisira mana kuti vadye akavapa chingwa chokudenga. Vanhu vakadya chingwa chavatumwa, akavatumira chokudya chakawanda. Akaita kuti mhepo yokumabvazuva ivhuvhute kumatenga. Akatungamirira nesimba mhepo yokumaodzanyemba. Akanaisa pavari nyama sohuruva, shiri dzina mapapiro sejecha ramakungwa. Akadzidonhesa pakati pamatendhe avo munharaunda yose yapavaigara. Vakadya vakanyatsoguta nokuti akavapa zvavaipanga. Asi havi yavo isati yambopera, chokudya chichiri mukanwa mavo, Mwari akavavirukira nehasha akauraya vakanyatsosimba vacho akarizha majaya akasvika eIsiraeri. Zvakadaro zvazvo vakangoramba vachitadza chete, kunyange nezvishamiso zvake havana kuvimba naye. Nezvo akanyangarisa mazuva avo sefemo, akanyangarisawo makore avo nepfumvu nechimbichimbi. Paakavauraya vakamutsvaka vakatendeuka vakatsvakisisa Mwari. Vakayeuka kuti Mwari ndiye dombo ravo uye kuti Mwari Wokumusorosoro ndiye mununuri wavo. Asi vakamubata kumeso nemiromo yavo vakamurevera nhema norurimi rwavo. Vakanga vasiri pachokwadi naye, havana kuita zviri pachokwadi nechitenderano chake. Asi iye netsiyenyoro dzake akavaregerera uipi hwavo akarega kuvaparadza, akadzora hasha dzake kazhinji, akarega kuviruka nehasha dzake dzose. Akayeuka kuti vanongova nyama, mhepo zvayo inopfuura isingazodzokizve.
Mapisarema 78:1-39 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Tererai murairo waŋgu, imi ʋanhu ʋaŋgu; Rerekerai nzeʋe dzenyu munzwe mashoko omuromo waŋgu. Ndicashamisa muromo waŋgu nditaure nomufananidzo; Ndicaparidza mashoko akaʋanzika ekare, Ɀatakanzwa neɀatakaziʋa, Neɀatakaʋudzwa namadziɓaɓa eɗu. Hatiŋgaɀiʋanziri ʋana ʋaʋo, Asi ticaʋudza rudzi runoteʋera maɓasa aŋgarumbidzwa aJehova, Nesimba rake, namaɓasa ake, anoshamisa, aakaita. Nokuti wakamutsa cipupuriro pakati paJakobo, Akatema murairo pakati paIsraeri, Akaɀiraira madziɓaɓa eɗu, Kuti ʋaɀiziʋise ʋana ʋaʋo; Kuti rudzi runoteʋera ruɀiziʋe, iʋo ʋana ʋacazoɓerekwa; Iʋo ʋasimuke ʋaɀiʋudze ʋana ʋaʋo; Kuti tariro yaʋo iʋe kunaMŋari, Ʋarege kukaŋganwa maɓasa aMŋari, Asi ʋaceŋgete mirairo yake; Ʋarege kufanana namadziɓaɓa aʋo, Rwakaŋga ruri rudzi rusiŋgatereri, rwakamukira Mŋari. Rudzi rwakaramba kururamisa mŋoyo yaʋo, Ʋuye mŋeya yaʋo yakaŋga isinokutendeka kunaMŋari. Ʋana ʋaEfraimi, kunyaŋge ʋakaŋga ʋakashoŋga nhumbi dzokurwa noʋuta, Ʋakadzokera shure pazuʋa rokurwa. Haʋana‐kuceŋgeta suŋgano yaMŋari, Ʋakaramba kufamba nomurairo wake; Ʋakakaŋganwa ɀaakaita, Namaɓasa ake akashamisa, aakaʋaratidza. Wakaita ɀinhu ɀinoshamisa pamberi pamadziɓaɓa aʋo, Panyika yeEgipita, pasaŋgo reZoani. Wakapamura guŋgwa, akaʋayambusa; Akamisa mvura ikafanana nomurwi. Masikati ʋo wakaʋafambisa negore, Noʋusiku bgose neciedza comŋoto. Wakapamura matombo murenje, Akaʋanwisa ɀakanaka kwaɀo sapamvura inobva pakadzika. Wakaɓuɗisa ʋo hoʋa dzemvura paɗombo, Akayererisa mvura zhinji yakaita senzizi. Kunyaŋge ɀakaɗaro ʋakaramba ʋacimutadzira, Nokumukira Wokumsoro‐soro murenje. Ʋakaidza Mŋari mumŋoyo maʋo Ʋacikumbira ɀokudya ɀaʋakaŋga ʋaciɗa iʋo. Ɀirokwaɀo, ʋakapopotera Mŋari; Ʋakati: Mŋari uŋgatigadzirira tafura murenje here? Tarirai, wakaroʋa ɗombo, mvura zhinji ikadzutuka, Hoʋa dzakayerera; Ko uŋgapa ciŋgwa ʋo here? Uŋgaʋigira ʋanhu ʋake nyama here? Saka Jehova wakanzwa, akatsamŋa; Mŋoto ukaʋeserwa Jakobo, Kutsamŋa kukamukira Israeri; Nokuti haʋana‐kutenda Mŋari, Haʋana‐kuʋimba nokuponesa kwake. Kunyaŋge ɀakaɗaro wakaraira ɗeŋga rose kumsoro, Akazarura mikoʋa yokuɗeŋga; Akanisa mana pamsoro paʋo kuti ʋadye, Akaʋapa ɀiyo ɀokuɗeŋga. Ʋanhu ʋakadya ciŋgwa caʋatumŋa; Wakaʋatumira ɀokudya kuȿikira ʋaguta. Wakaɓuɗisa mhepo yakabva mabvazuʋa, ikarira kuɗeŋga; Akafambisa mhepo yakabva nyasi nesimba rake. Wakanisa ʋo nyama pamsoro paʋo ikaita seguruʋa, Neshiri, dzinamapapiro, dzikaita sejeca reguŋgwa; Wakaɀiwisira pakati pemisasa yaʋo, Pose‐pose paʋakaŋga ʋagere. Ipapo ʋakadya, ʋakaguta kwaɀo; Akaʋapa ɀaʋakaŋga ʋacikarira. Ʋakaŋga ʋasati ʋanyaradza kukara kwaʋo, Ɀokudya ɀaʋo ɀakaŋga ɀiciri mumiromo yaʋo, Kutsamŋa kwaMŋari kukaʋamukira, Akaʋuraya ʋakakoresa pakati paʋo, Akaparadza majaya aIsraeri. Kunyaŋge ɀakaɗaro ʋakaramba ʋacitadza, Ʋakasatenda maɓasa ake aishamisa. Saka wakapedza mazuʋa aʋo paneɀisinamaturo, Namakore aʋo paneɀinotyisa. Ɀino wakati aciʋaʋuraya, ipapo ʋakamubvunza; Ʋakadzoka, ʋakashiŋgaira kutȿaka Mŋari. Ʋakaraŋgarira kuti Mŋari ndiye ɗombo raʋo, NaMŋari Wokumsoro‐soro mudzikinuri waʋo. Asi ʋakamuɓata kumeso nomuromo waʋo, Ʋakamureʋera nhema nendimi dzaʋo. Nokuti mŋoyo yaʋo yakaŋga isinakururama kwaari, Ʋuye ʋakaŋga ʋasina‐kutendeka pasuŋgano yake. Asi iye, ɀaakaŋga anenyasha huru, wakaʋakaŋganwira kuipa kwaʋo, akasaʋaparadza; Ɀirokwaɀo, kazhinji wakadzora kutsamŋa kwake, Akasamutsa hasha dzake dzose. Akaraŋgarira kuti ʋakaŋga ʋari nyama ɓedzi; Nemhepo, inopfuʋura, isiŋgadzoki ɀe.
Mapisarema 78:1-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)