Teererai vanhu vangu
kune zvandinokudzidzisai,
rerekerai nzeve dzenyu kumazwi
omuromo wangu.
Ndichazarura muromo wangu nomufananidzo
ndichataura madimikira akadzama
apasichigare,
zvinhu zvatakanzwa zvatinoziva,
zvatakaudzwa namadzitateguru edu.
Hatingazvivanziri vana vavo,
asi tinozvitaurira zvizvarwa zvinotevera,
zviito zvaTENZI nesimba rake
nezvishamiso zvaakaita.
Akadzika mutemo maJakobho
akatema mutemo muIsiraeri
yaakati madzibaba edu
adzidzise vana vavo
kuitira kuti chizvarwa chinotevera
chizvizive, ichocho chichazvarwa
chimuke chizotaurirawo vana vacho
kuti vaise chivimbo chavo muna Mwari
varege kukanganwa mabasa aMwari,
asi kuti vachengete mitemo yake
uye kuti varege kuita samadzibaba avo
vaiva tsvuuramuromo nechizvarwa chakapanduka,
vaiva chizvarwa chisina kugadzana mwoyo,
vakanga vasina mweya wokutendeka kuna Mwari.
VokwaEfuremu vaive vakapakata
miseve nouta,
vakadzokera shure pazuva rehondo.
Havana kuchengeta chitenderano chaMwari.
Vakatoramba kutevera mutemo wake.
Vakakanganwa zvaakanga aita
uye zvishamiso zvaakanga avaratidza.
Akaita minana pamberi
pamadzitateguru avo
munyika eIjipiti,
mumasango okuZoani.
Akaganhura gungwa
akavapfuudza nomo
akamisa mvura kuita murwi.
Kumasikati aivatungamirira negore,
usiku hwose aivatungamirira
nerimi romoto.
Akatsemura matombo murenje
akavapa mvura yokunwa yakawanda
sokunge yaibva pasi pasi chaipo.
Akaburitsa tukova mudombo
akaita kuti mvura iyerere sehova.
Asi vakatoramba vachimutadzira
vachipandukira wokumusorosoro murenje.
Vakaedza Mwari mumwoyo yavo
nokuramba vachingokumbira
chokudya chavaipanga.
Vakapopotera Mwari vachiti,
“Mwari angaisire vanhu chokudya
pamberi pavo murenje here?
Akarova dombo wani
mvura ikapozhoka,
tukova tukafashukira.
Angakwanise kupa chingwa here
kana kupa vanhu vake nyama?”
Naizvozvo TENZI paakazvinzwa
akazara nehasha.
Akatungidza Jakobho nemoto.
Hasha dzake dzakavirukira Isiraeri
nokuti vakanga vasingatendeseki naMwari,
havana kuvimba nesimba rake rokununura.
Zvakadaro zvazvo
akataurira matenga kumusoro
akazarura makonhi okudenga.
Akavanaisira mana kuti vadye
akavapa chingwa chokudenga.
Vanhu vakadya chingwa chavatumwa,
akavatumira chokudya chakawanda.
Akaita kuti mhepo yokumabvazuva
ivhuvhute kumatenga.
Akatungamirira nesimba mhepo
yokumaodzanyemba.
Akanaisa pavari nyama sohuruva,
shiri dzina mapapiro
sejecha ramakungwa.
Akadzidonhesa pakati pamatendhe avo
munharaunda yose yapavaigara.
Vakadya vakanyatsoguta
nokuti akavapa zvavaipanga.
Asi havi yavo isati yambopera,
chokudya chichiri mukanwa mavo,
Mwari akavavirukira nehasha
akauraya vakanyatsosimba vacho
akarizha majaya akasvika eIsiraeri.
Zvakadaro zvazvo vakangoramba vachitadza chete,
kunyange nezvishamiso zvake
havana kuvimba naye.
Nezvo akanyangarisa mazuva avo sefemo,
akanyangarisawo makore avo nepfumvu nechimbichimbi.
Paakavauraya vakamutsvaka
vakatendeuka vakatsvakisisa Mwari.
Vakayeuka kuti Mwari
ndiye dombo ravo
uye kuti Mwari Wokumusorosoro
ndiye mununuri wavo.
Asi vakamubata kumeso nemiromo yavo
vakamurevera nhema norurimi rwavo.
Vakanga vasiri pachokwadi naye,
havana kuita zviri pachokwadi nechitenderano chake.
Asi iye netsiyenyoro dzake
akavaregerera uipi hwavo
akarega kuvaparadza,
akadzora hasha dzake kazhinji,
akarega kuviruka nehasha dzake dzose.
Akayeuka kuti vanongova nyama,
mhepo zvayo inopfuura
isingazodzokizve.