Teererai murayiro wangu, imi vanhu vangu;
Rerekerai nzeve dzenyu munzwe
mashoko omuromo wangu.
Ndichashamisa muromo wangu
nditaure nomufananidzo;
Ndichaparidza mashoko akavanzika ekare,
Zvatakanzwa nezvatakaziva,
Nezvatakaudzwa namadzibaba edu.
Hatingazvivanziri vana vavo,
Asi tichaudza rudzi runotevera
mabasa angarumbidzwa aJehovha,
Nesimba rake, namabasa ake, anoshamisa, aakaita.
Nokuti akamutsa chipupuriro pakati paJakobho,
Akatema murayiro pakati paIsiraeri,
Akazviraira madzibaba edu,
Kuti vazvizivise vana vavo;
Kuti rudzi runotevera ruzvizive, ivo
vana vachazoberekwa;
Ivo vasimuke vazviudze vana vavo;
Kuti tariro yavo ive kuna Mwari,
Varege kukanganwa mabasa aMwari,
Asi vachengete mirairo yake;
Varege kufanana namadzibaba avo,
Rwakanga ruri rudzi rusingateereri,
rwakamukira Mwari.
Rudzi rwakaramba kururamisa mwoyo yavo,
Uye mweya yavo yakanga isinakutendeka kuna Mwari.
Vana vaEfuraimu, kunyange
vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa nouta,
Vakadzokera shure pazuva rokurwa.
Havana kuchengeta sungano yaMwari,
Vakaramba kufamba nomurayiro wake;
Vakakanganwa zvaakaita,
Namabasa ake akashamisa, aakavaratidza.
Wakaita zvinhu zvinoshamisa pamberi
pamadzibaba avo,
Panyika yeIjipiti, pasango reZoani.
Wakapamura gungwa, akavayambusa;
Akamisa mvura ikafanana nomurwi.
Masikatiwo wakavafambisa negore,
Nousiku hwose nechiedza chomoto.
Wakapamura matombo murenje,
Akavanwisa zvakanaka kwazvo
sapamvura inobva pakadzika.
Akabudisawo hova dzemvura padombo,
Akayererisa mvura zhinji yakaita senzizi.
Kunyange zvakadaro vakaramba
vachimutadzira,
Nokumukira Wokumusorosoro murenje.
Vakaidza Mwari mumwoyo mavo
Vachikumbira zvokudya zvavakanga vachidawo.
Zvirokwazvo, vakapopotera Mwari;
Vakati, “Mwari angatigadzirira chokudya
murenje here?
Tarirai, akarova dombo, mvura zhinji ikadzutuka,
Hova dzakayerera;
Ko angapa chingwawo here?
Ungavigira vanhu vake nyama here?”
Saka Jehovha akanzwa, akatsamwa;
Moto ukaveserwa Jakobho,
Kutsamwa kukamukira Isiraeri;
Nokuti havana kutenda Mwari,
Havana kuvimba nokuponeswa kwake.
Kunyange zvakadaro wakaraira denga rose kumusoro,
Akazarura mikova yokudenga;
Akanisa mana pamusoro pavo kuti vadye,
Akapa zviyo zvokudenga.
Vanhu vakadya chingwa chavatumwa;
Akavatumira zvokudya kusvikira vaguta.
Akabudisa mhepo yakabva mabvazuva,
ikarira kudenga;
Akafambisa mhepo yakabva nyasi nesimba rake.
Akanisawo nyama pamusoro pavo ikaita seguruva,
Neshiri, dzina mapapiro, dzikaita sejecha regungwa;
Akazviwisira pakati pemisasa yavo,
Pose-pose pavakanga vagere.
Ipapo vakadya, vakaguta kwazvo;
Akavapa zvavakanga vachikarira.
Vakanga vasati vanyaradza kukara kwavo,
Zvokudya zvavo zvakanga zvichiri mumiromo yavo,
Kutsamwa kwaMwari kukavamukira,
Akauraya vakakoresa pakati pavo,
Akaparadza majaya aIsiraeri.
Kunyange zvakadaro vakaramba vachitadza,
Vakasatenda mabasa ake aishamisa.
Saka akapedza mazuva avo panezvisina maturo,
Namakore avo panezvinotyisa.
Zvino akati achivauraya, ipapo vakamubvunza;
Vakadzoka, vakashingaira kutsvaka Mwari.
Vakarangarira kuti Mwari ndiye dombo ravo,
NaMwari Wokumusorosoro mudzikinuri wavo.
Asi vakamubata kumeso nomuromo wavo,
Vakamurevera nhema nendimi dzavo.
Nokuti mwoyo yavo yakanga isina kururama kwaari,
Uye vakanga vasina kutendeka pasungano yake.
Asi iye, zvaakanga ane nyasha huru,
akavakanganwira kuipa kwavo, akasavaparadza;
Zvirokwazvo, kazhinji akadzora kutsamwa kwake,
Akasamutsa hasha dzake dzose.
Akarangarira kuti vakanga vari nyama bedzi;
Nemhepo, inopfuura, isingadzokizve.