Haiwa Jehovha, Mwari wangu, ndinovanda mamuri; ndiponesei uye mundirwire pane vose vanondidzinganisa, kuti varege kundibvambura seshumba nokundibvambura-bvambura pasina anondinunura. Haiwa Jehovha, Mwari wangu, kana ndichinge ndakaita izvi uye ndine mhosva pamaoko angu, kana ndakaita zvakaipa kuno uya akanga ane rugare neni kana kupamba muvengi wangu pasina mhaka, ipapo muvengi wangu ngaandidzinganise andibate; ngaatsike-tsike upenyu hwangu muvhu uye andivatise muguruva. Simukai, imi Jehovha pakutsamwa kwenyu; simukai murwise hasha dzavavengi vangu. Simukai, Mwari wangu; rayirai kururamisira. Marudzi akaungana ngaaungane akakupoteredzai. Vatongei imi muri kumusoro; Jehovha ngaatonge marudzi. Nditongei, imi Jehovha, zvakafanira kururama kwangu, zvakafanira kukwaniswa kwangu, imi Wokumusoro-soro. Haiwa, Mwari akarurama, iyemi munonzvera ndangariro nomwoyo, gumisai kuita nesimba kwavakaipa mugoita kuti vakarurama vagare zvakanaka.
Verenga chikamu Mapisarema 7
Terera ku Mapisarema 7
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 7:1-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo