Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 7:1-9

Nziyo 7:1-9 SCLB

TENZI Mwari wangu, mamuri ndimo mandinopotera. Ndiponeseiwo kune vanondironda mundinunure, vangadaro vakandibvambura-bvambura seshumba vakandizvuzvurudza pasina anondinunura. TENZI Mwari wangu kana pane chandakaita, kana ndakabata chakaipa namaoko angu, kana ndakadzorera mumwe wangu nechakaipa kana kupamba mhandu yangu pasina chikonzero, muvengi ngaandironde andibate atsokodzere zvake upenyu hwangu muvhu anditi rabada muhuruva. Dzepfunde Simukai TENZI nehasha dzenyu; zvisimudzei murwise vavengi vangu vane hasha. Mukai Mwari wangu, ndimi makatema wani kuti pave neruenzaniso. Gungano ramarudzi avanhu ngarikuunganirei. Imi pamusoro pegungano iroro mugare pachigaro chenyu chapamusoro. TENZI ndiye anotonga marudzi avanhu. TENZI ratidzai kuti ndakarurama uye kuti ndiri pachokwadi. Uipi hwavakaipa ngaupere, asi vakarurama vabudirire, imi munoedza pfungwa nomwoyo yavanhu, imi Mwari akarurama.

Verenga chikamu Nziyo 7