Jehovha Mwari wangu, ndinovimba nemi; Ndiponesei kuna vose vanonditeverera, mundirwire; Kuti arege kubvambura mweya wangu seshumba, Aubvamburanye, ndichishaiwa anondirwira. Jehovha Mwari wangu, kana ndichinge ndakaita izvozvi; Kana zvakaipa zvirimo mumaoko angu; Kana ndichinge ndakaitira zvakaipa munhu aiva noukama neni; (Izvo, ndakarwira waiva mudzivisi wangu asina mhosva;) Muvengi ngaateverere mweya wangu, aubate; Ngaatsikire upenyu hwangu pasi, Aise kukudzwa kwangu muguruva. Simukai Jehovha, pakutsamwa kwenyu, Simukirai hasha dzavadzivisi vangu; Mumuke nokuda kwangu; ndimi makaraira kuti zvakarurama zviitwe. Ungano yendudzi dzavanhu ngaikupoteredzei; Mudzokere kumusoro pamusoro pavo. Jehovha anotonga ndudzi dzavanhu; Nditongei Jehovha sokururama kwangu, uye nezvokwadi zviri mandiri. Haiwa, kuipa kwavakaipa ngakugume, asi simbisai akarurama; Nokuti Mwari akarurama anoidza mwoyo netsvo.
Verenga chikamu Mapisarema 7
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 7:1-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo