Mwari ngaatinzwire tsitsi atiropafadze, uye apenyese chiso chake pamusoro pedu, Sera kuti nzira dzenyu dzizivikanwe panyika, ruponeso rwenyu pakati pendudzi dzose. Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari; marudzi ose ngaakurumbidzei. Ndudzi ngadzifare uye dziimbe nomufaro, nokuti munotonga marudzi nokururamisira, uye munotungamirira ndudzi dzenyika. Sera Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari; marudzi ose ngaakurumbidzei. Ipapo nyika ichabereka mukohwo wayo, uye Mwari, Mwari wedu, achatiropafadza. Mwari achatiropafadza, uye migumo yose yepasi ichamutya.
Verenga chikamu Mapisarema 67
Terera ku Mapisarema 67
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 67:1-7
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo