Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 67:1-7

Nziyo 67:1-7 SCLB

Mwari ngaatinzwire nyasha atikomborere apenyese uso hwake patiri. Dzepfunde Kuti nzira yenyu izivikanwe pasi. Marudzi ose avanhu azive simba renyu rokuponesa. Vanhu ngavakurumbidzei Mwari; vanhu vose ngavakurumbidzei. Marudzi ose ngaafare aimbe norufaro; nokuti munotonga vanhu noruenzaniso muchitungamirira marudzi avanhu panyika. Dzepfunde. Vanhu ngavakurumbidzei Mwari; vanhu vose ngavakurumbidzei. Nyika yakabereka mukoho wayo Mwari, Mwari wedu atikomborera. Mwari atikomborera; ngaatyiwe kusvikira kose kwakagumira nyika.

Verenga chikamu Nziyo 67