Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 67:1-7

Mapisarema 67:1-7 SNA2002

Mwari ngaatinzwire tsitsi, atiropafadze, Ngaativhenekere nechiso chake; Kuti nzira yenyu izikanwe pasi, Nokuponesa kwenyu pakati pendudzi dzose. Vanhu ngavakuvongei, Mwari; Vanhu vose ngavakuvongei. Ndudzi ngadzifare, ngadziimbe nomufaro; Nokuti muchatonga vanhu nokururama, Muchafambisa ndudzi pasi. Vanhu ngavakuvongei Mwari; Vanhu vose ngavakuvongei. Pasi pakabereka zvibereko zvapo; Mwari, iye Mwari wedu, achatiropafadza. Mwari achatiropafadza; Nemigumo yose yapasi ichamutya.