Mwari ndiye utiziro hwedu nesimba redu, ndiye mubatsiri anogara aripo panguva yokutambudzika. Naizvozvo hatizotyi, kunyange nyika ikashanduka, uye makomo akawira mukatikati megungwa, kunyange mvura yaro ikatinhira uye ikapupuma furo, uye makomo akadengenyeswa namafungu aro. Sera Pane rwizi rwuripo rune hova dzinofadza guta raMwari, nzvimbo tsvene yeWokumusoro-soro. Mwari ari mukati maro, haringawiri pasi; Mwari acharibatsira panguva yemambakwedza. Ndudzi dzinoita bope, umambo hunoondomoka; anotaura nenzwi guru, nyika yonyongodeka. Jehovha Wamasimba Ose anesu; Mwari waJakobho ndiye nhare yedu. Sera
Verenga chikamu Mapisarema 46
Terera ku Mapisarema 46
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 46:1-7
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo