Mapisarema 46:1-7
Mapisarema 46:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mwari ndiye utiziro hwedu nesimba redu, ndiye mubatsiri anogara aripo panguva yokutambudzika. Naizvozvo hatizotyi, kunyange nyika ikashanduka, uye makomo akawira mukatikati megungwa, kunyange mvura yaro ikatinhira uye ikapupuma furo, uye makomo akadengenyeswa namafungu aro. Sera Pane rwizi rwuripo rune hova dzinofadza guta raMwari, nzvimbo tsvene yeWokumusoro-soro. Mwari ari mukati maro, haringawiri pasi; Mwari acharibatsira panguva yemambakwedza. Ndudzi dzinoita bope, umambo hunoondomoka; anotaura nenzwi guru, nyika yonyongodeka. Jehovha Wamasimba Ose anesu; Mwari waJakobho ndiye nhare yedu. Sera
Mapisarema 46:1-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mwari ndiye utiziro hwedu nesimba redu, Ndiye mubatsiri ari pedyo-pedyo panguva dzokumanikidzwa. Saka hatingatyi, kunyange nyika ikashanduka, Uye kunyange makomo akabviswa akaiswa mukati mamakungwa; Kunyange mvura zhinji yawo ikatinhira nokumutswa, Kunyange makomo akadedera nokupupuma kwawo. Rwizi ruripo, rune hova dzinofadza guta raMwari, Iyo nzvimbo tsvene yetabhenakeri dzo Wokumusorosoro. Mwari ari mukati maro; haringazununguswi; Mwari acharibatsira kana utonga hwotsvuka. Vahedheni vakaita bope, hushe hwakazununguswa; Akataura nenzwi rake, nyika ikanyauka. Jehovha wehondo anesu; Mwari waJakobho inhare yedu.
Mapisarema 46:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwari ndiye diziro redu nesimba redu. Mubatsiri anogara ari padyo panguva yenhamo. Saka hatityi kunyange nyika ikasanduka kunyange makomo akazunguzika zvokuwira mukatikati megungwa, kunyange mvura yaro ikatinhira nokupupuma, kunyange makomo akazunguzika zvawo noruzha rwaro. Dzepfunde Kune rwizi runotukova tunofadza guta raMwari; nzvimbo yokugara inoera yoWokumusorosoro. Mwari ari mukati maro; harichazombokurirwa. Mwari acharibatsira kumambakwedza chaiko. Kunyange marudzi akaita zvawo bongozozo uye umambo noumambo hukazungunutswa anongotaura chete nezwi rake, nyika ichibva yanyungudika. TENZI wehondo nehondo anesu Mwari waJakobho ndiye diziro redu. Dzepfunde
Mapisarema 46:1-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋari ndiye ʋutiziro bgeɗu nesimba reɗu, Ndiye muɓatsiri uri pedyo‐pedyo paŋguʋa dzokumanikidzwa. Saka hatiŋgatyi, kunyaŋge nyika ikashanduka, Ʋuye kunyaŋge makomo akabviswa akaiswa mukati mamakuŋgwa; Kunyaŋge mvura zhinji yawo ikatinhira nokumutswa, Kunyaŋge makomo akaɗeɗera nokupupuma kwawo. Rwizi ruri’po, runehoʋa dzinofadza guta raMŋari, Iyo nɀimbo tȿene yetabernakeri dzoWokumsoro‐soro. Mŋari uri mukati maro; hariŋgazunuŋguswi; Mŋari ucariɓatsira kana ʋutoŋga bgotȿuka. Ʋahedeni ʋakaita ɓope, ʋushe bgakazunuŋguswa; Wakataura nenzwi rake, nyika ikanyauka. Jehova wehondo une’su; Mŋari waJakobo inhare yeɗu.
Mapisarema 46:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)