Mwari ndiye diziro redu nesimba redu. Mubatsiri anogara ari padyo panguva yenhamo. Saka hatityi kunyange nyika ikasanduka kunyange makomo akazunguzika zvokuwira mukatikati megungwa, kunyange mvura yaro ikatinhira nokupupuma, kunyange makomo akazunguzika zvawo noruzha rwaro. Dzepfunde Kune rwizi runotukova tunofadza guta raMwari; nzvimbo yokugara inoera yoWokumusorosoro. Mwari ari mukati maro; harichazombokurirwa. Mwari acharibatsira kumambakwedza chaiko. Kunyange marudzi akaita zvawo bongozozo uye umambo noumambo hukazungunutswa anongotaura chete nezwi rake, nyika ichibva yanyungudika. TENZI wehondo nehondo anesu Mwari waJakobho ndiye diziro redu. Dzepfunde
Verenga chikamu Nziyo 46
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 46:1-7
5 Days
In the midst of uncertainty, God is certain! Join David Villa in his latest plan as he looks past uncertainty and negativity in order to reach something greater.
7 Days
Depression can affect anyone of any age for any number of reasons. This seven-day plan will guide you to the Counselor. Quiet your mind and heart as you read the Bible and you will discover peace, strength, and everlasting love. For more content, check out finds.life.church.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo