Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 33:1-11

Mapisarema 33:1-11 BDSC

Imbirai Jehovha, mufarisise, imi vakarurama; zvakanaka kuti vakarurama vamurumbidze. Rumbidzai Jehovha nembira; muimbirei nziyo nomutengeranwa une hungiso gumi. Muimbirei rwiyo rutsva; muridze zvakanaka, mugopururudza nomufaro. Nokuti shoko raJehovha rakarurama uye nderechokwadi; iye akatendeka pane zvose zvaanoita. Jehovha anoda kururama nokururamisira; nyika izere norudo rwake rusingaperi. Kudenga denga kwakaitwa neshoko raJehovha, hondo dzenyeredzi dzaikoko, nokufema kwomuromo wake. Anounganidza mvura zhinji yegungwa muzvirongo; anoisa kwakadzika mumatura. Nyika yose ngaitye Jehovha; marudzi ose enyika ngaamuremekedze. Nokuti iye akataura, zvikaitika; akarayira, zvikamira zvakasimba. Jehovha anokonesa urongwa hwendudzi; anopinganidza mifungo yendudzi. Asi urongwa hwaJehovha hunomira hwakasimba nokusingaperi, nendangariro dzomwoyo wake kusvikira kuzvizvarwa zvose.