Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 33:1-11

Mapisarema 33:1-11 SNA2002

Farisai munaJehovha, imi vakarurama; Kurumbidza kwakafanira vakarurama. Vongai Jehovha nembira; Muimbirei nziyo dzokurumbidza nomutengeranwa une hungiso dzine gumi. Muimbirei rwiyo rutsva; Ridzai zvakanaka nokuridza kukuru. Nokuti shoko raJehovha rakarurama, Anoita zvose nokutendeka. Iye anoda kururama nokururamisa; Nyika izere nounyoro hwaJehovha. Kudenga-denga kwakaitwa neshoko raJehovha, Uye hondo dzose dzoko nokufema kwomuromo wake. Anounganidza mvura zhinji yegungwa pamwechete somurwi; Anochengeta mvura zhinji dzakadzika mumatura. Nyika yose ngaitye Jehovha; Vose vagere panyika ngavadedere pamberi pake. Nokuti iye akataura, zvikaitika; Akaraira, zvikamira zvikasimba. Jehovha anoparadza zano ravahedheni; Mifungo yendudzi dzavanhu anoishaisa simba. Zano raJehovha rakasimba nokusingaperi, Nendangariro dzomwoyo wake kusvikira kundudzi dzose.