Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 33:1-11

Nziyo 33:1-11 SCLB

Farai muna TENZI imi makarurama vari pachokwadi ndivo vanokodzera kumurumbidza. Rumbidzai TENZI nechipendani, muimbirei nedimbwa rine waya gumi, muimbirei rumbo rutsva, mumuridzirei zvakanaka, muchipururudza, nokuti shoko raTENZI rakatendeka uye basa rake rose rinoitwa muchokwadi. Anoda ururami noruenzaniso nyika izere nemwoyochena waTENZI. Matenga akaitwa nezwi raTENZI uyewo hondo nehondo yezvirimo zvakaitwa nefemo romuromo wake. Akaunganidza makungwa pamwechete akaaita semurwi, mvura yakadzika akaiisa mumatura. Nyika yose ngaitye TENZI, vagari vose vapasi pano ngavamudedere nokuti akataura zvikaitika akati ngazvimire zvikamira. TENZI anoshaisa basa mazano amarudzi anoshaisa maturo zvirongwa zvavanhu. Zano raTENZI rinoramba riripo nokusingaperi zvaanofunga mumwoyo make zvinosvika kuzvizvarwa zvose.

Verenga chikamu Nziyo 33