Ndichaparidza zita renyu kuhama dzangu; ndichakurumbidzai paungano. Imi munotya Jehovha, murumbidzei! Imi mose zvizvarwa zvaJakobho, mukudzei! Mutyei, imi mose zvizvarwa zvaIsraeri! Nokuti haana kuzvidza kana kusema chibayiro chaiye akatambudzwa; haana kumuvanzira chiso chake, asi akanzwa kuchemera kwake rubatsiro. Kwamuri ndiko kunobva dingindira rerumbidzo yangu paungano huru; ndichazadzisa mhiko dzangu pamberi pavanokutyai. Varombo vachadya uye vagoguta; vanotsvaka Jehovha vachamurumbidza, mwoyo yenyu ngairarame nokusingaperi! Migumo yose yenyika icharangarira igodzokera kuna Jehovha, uye mhuri dzendudzi dzose dzichapfugama pamberi pake, nokuti ushe ndohwaJehovha uye anotonga pamusoro pendudzi. Vapfumi vose venyika vachadya uye vachamunamata; vose vanoburukira muguruva vachapfugama pamberi pake, navose vasingagoni kuzviraramisa. Vana vake vachamushumira; zvizvarwa zvinotevera zvichaudzwa nezvaIshe. Vachaparidza kururama kwake kuvanhu vasati vaberekwa, nokuti akazviita.
Verenga chikamu Mapisarema 22
Terera ku Mapisarema 22
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 22:22-31
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo