Iniwo ndichaparidza zita renyu kuhama dzangu, mukati mesangano ndichakurumbidzai. “Imi munotya TENZI murumbidzei, imi mose vana vokwaJakobho, murumbidzei. Mudederei imi vana vokwaIsiraeri nokuti haana kuzvidza kana kusema nhamo yavatamburi. Haana kuvanza uso hwake kwaari asi akamunzwa paakachema kwaari.” Zvokuti ndikurumbidzei mugungano guru, zvinotobva kwamuri, zvandakatsidza ndichazviita ndiri muvanhu vanokutyai. Varombo vachadya vakaguta vanomutsvaka vacharumbidza TENZI, dai mukangorarama nokusingaperi. Nyika dzapasi pano dzicharangarira dzigodzokera kuna TENZI mhuri dzose dzamarudzi avanhu dzigwadame pamberi penyu nokuti umambo ndohwaTENZI uye anotonga pamusoro pevechirudzi. Vose vanozvikudza vapanyika vachamugwadamira vose avo vachapinda muguva navose vasingagoni kuzviraramisa vachatozomupfugamira chete. Zvizvarwa zvichauya zvichamushumira zvizvarwa zvinotevera zvichataurirwa nezvaTENZI zvichauyawo zvigoparidza ururami hwake kuvanhu vachatozozvarwa kuti, “TENZI akazviita.”
Verenga chikamu Nziyo 22
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 22:22-31
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo