Rumbidzai Jehovha imi nyika, imi zvisikwa zvikuru zvegungwa nokwakadzika kwenyanza, nemi mheni nechimvuramabwe, chando namakore, dutu remhepo rinoita zvaakareva, imi makomo nemi zvikomo zvose, miti inobereka nemisidhari yose, mhuka dzesango nemombe dzose, zvisikwa zvidiki neshiri dzinobhururuka, Madzimambo enyika nendudzi dzose, imi machinda nemi vatongi vose panyika, majaya nemhandara, vatana navana. Ngavarumbidze zita raJehovha, nokuti zita rake iye oga iguru; kubwinya kwake kuri pamusoro penyika namatenga. Akasimudzira vanhu vake runyanga, iyo rumbidzo yavatsvene vake vose, yaIsraeri, vanhu vari pedyo nomwoyo wake.
Verenga chikamu Mapisarema 148
Terera ku Mapisarema 148
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 148:7-14
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo