Rumbidzai Jehovha imi vapasi, Imi zvikara zvegungwa, nezviri makadzika; Moto nechimvuramabwe, chando noutsi; Dutu guru, rinoita zvaakareva; Makomo nezvikomo zvose; Miti inobereka nemisidhari yose; Mhuka, nezvipfuwo zvose; Zvinokambaira neshiri dzinobhururuka; Madzimambo apasi nendudzi dzose dzavanhu; Machinda navatongi vose vapasi; Majaya nemhandara; Vatana navana; Ngavarumbidze zita raJehovha; Nokuti zita rake roga rakakurumbira; Umambo hwake huri kumusoro kwapasi nokudenga. Akasimudza runyanga rwavanhu vake, Kuti arumbidzwe navatsvene vake vose; Naivo vana vaIsiraeri, ivo vanhu vari pedyo naye. Hareruya!
Verenga chikamu Mapisarema 148
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 148:7-14
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo