Mapisarema 148:7-14
Mapisarema 148:7-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Rumbidzai Jehovha imi nyika, imi zvisikwa zvikuru zvegungwa nokwakadzika kwenyanza, nemi mheni nechimvuramabwe, chando namakore, dutu remhepo rinoita zvaakareva, imi makomo nemi zvikomo zvose, miti inobereka nemisidhari yose, mhuka dzesango nemombe dzose, zvisikwa zvidiki neshiri dzinobhururuka, Madzimambo enyika nendudzi dzose, imi machinda nemi vatongi vose panyika, majaya nemhandara, vatana navana. Ngavarumbidze zita raJehovha, nokuti zita rake iye oga iguru; kubwinya kwake kuri pamusoro penyika namatenga. Akasimudzira vanhu vake runyanga, iyo rumbidzo yavatsvene vake vose, yaIsraeri, vanhu vari pedyo nomwoyo wake.

Mapisarema 148:7-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Rumbidzai Jehovha imi vapasi, Imi zvikara zvegungwa, nezviri makadzika; Moto nechimvuramabwe, chando noutsi; Dutu guru, rinoita zvaakareva; Makomo nezvikomo zvose; Miti inobereka nemisidhari yose; Mhuka, nezvipfuwo zvose; Zvinokambaira neshiri dzinobhururuka; Madzimambo apasi nendudzi dzose dzavanhu; Machinda navatongi vose vapasi; Majaya nemhandara; Vatana navana; Ngavarumbidze zita raJehovha; Nokuti zita rake roga rakakurumbira; Umambo hwake huri kumusoro kwapasi nokudenga. Akasimudza runyanga rwavanhu vake, Kuti arumbidzwe navatsvene vake vose; Naivo vana vaIsiraeri, ivo vanhu vari pedyo naye. Hareruya!
Mapisarema 148:7-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pasi ngaparumbidzewo TENZI: imi mazigaranyanya nemi hwenje hose hwegungwa newe moto nechivhuramahwe namazaya echando namazaya echando chamangwanani nemi dutu remhepo rinoita zvaanoreva; imi makomo nezvikomo zvose, miti yemichero nemisidhari yose, imi zvikara nemi mombe dzose, imi zvinhu zvinokambaira, nemi shiri dzinobhururuka, nemi madzimambo apasi nemi vanhu vose, imi machinda nemi vatongi vose vapasi nemi majaya nemhandara pamwechete imi vakwegura nemi vana, rumbidzai zita raTENZI nokuti zita rake roga ndiro riri pamusorosoro, mukurumbira wake, denga napasi zvinosara pasi. Akaita kuti vanhu vake vave rudzi rune simba varurami vake vose ngavarumbidzwe ngavarumbidzwe vanhu veIsiraeri vari pedyo naye. Areruya.
Mapisarema 148:7-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Rumbidzai Jehova imi ʋapasi, Imi ɀikara ɀeguŋgwa, neɀiri makadzika; Mŋoto necimvuramabge, cando noʋutsi; Ƌutu guru, rinoita ɀaakareʋa; Makomo neɀikomo ɀose; Miti inoɓereka, nemisidari yose; Mhuka, neɀipfuwo ɀose; Ɀinokambaira neshiri dzinobururuka; Madzimambo apasi nendudzi dzose dzaʋanhu; Macinda naʋatoŋgi ʋose ʋapasi; Majaya nemhandara; Ʋatana naʋana; Ŋgaʋarumbidze zita raJehova; Nokuti zita rake roga rakakurumbira; Ʋumambo bgake ʋuri kumsoro kwapasi nokuɗeŋga. Wakasimudza runyaŋga rwaʋanhu ʋake, Kuti arumbidzwe naʋatȿene ʋake ʋose; Naiʋo ʋana ʋaIsraeri, iʋo ʋanhu ʋari pedyo naye. Hareruya!
Mapisarema 148:7-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)