Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 148:7-14

Mapisarema 148:7-14 SUB1949

Rumbidzai Jehova imi ʋapasi, Imi ɀikara ɀeguŋgwa, neɀiri makadzika; Mŋoto necimvuramabge, cando noʋutsi; Ƌutu guru, rinoita ɀaakareʋa; Makomo neɀikomo ɀose; Miti inoɓereka, nemisidari yose; Mhuka, neɀipfuwo ɀose; Ɀinokambaira neshiri dzinobururuka; Madzimambo apasi nendudzi dzose dzaʋanhu; Macinda naʋatoŋgi ʋose ʋapasi; Majaya nemhandara; Ʋatana naʋana; Ŋgaʋarumbidze zita raJehova; Nokuti zita rake roga rakakurumbira; Ʋumambo bgake ʋuri kumsoro kwapasi nokuɗeŋga. Wakasimudza runyaŋga rwaʋanhu ʋake, Kuti arumbidzwe naʋatȿene ʋake ʋose; Naiʋo ʋana ʋaIsraeri, iʋo ʋanhu ʋari pedyo naye. Hareruya!