Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 147:12-20

Mapisarema 147:12-20 BDSC

Kudza Jehovha, iwe Jerusarema; rumbidza Mwari wako, iwe Zioni, nokuti anosimbisa mazariro amasuo ako, uye anoropafadza vanhu vako vari mauri. Anopa rugare pamiganhu yako, uye anokugutsa nezviyo zvakaisvonaka. Anotuma murayiro wake kunyika; shoko rake rinomhanya kwazvo. Anowarira chando samakushe amakwai, uye anoparadzira chando samadota. Anokanda chimvuramabwe pasi sezvimedu. Ndianiko angamira kana chando chake charova? Anotuma shoko rake rigozvinyungudisa; anomutsa mhepo yake, mvura zhinji igoerera. Akazarurira Jakobho shoko rake, mirayiro yake nezvirevo zvake kuna Israeri. Haana kumboita izvi kuno rumwe rudzi; havazivi mirayiro yake.