Rumbidza Jehovha, iwe Jerusaremu; Rumbidza Mwari wako, iwe Zioni. Nokuti wakasimbisa mazarira amasuo ako; Akaropafadza vana vako mukati mako. Anoisa rugare panyika yako; Anokugutisa nezviyo zvakaisvonaka. Anotuma mirairo yake panyika; Shoko rake rinomhanya kwazvo. Anopa vanhu chando samakushe amakwai, Anoparadzira chando samadota. Anokanda chimvuramabwe chake sezvimedu; Ndianiko angamira pachando chake? Anotuma shoko rake, ndokuzvinyausa; Anovhuvhutisa mhepo yake mvura ndokuyerera. Anozivisa Jakobho shoko rake, NaIsiraeri mitemo yake nezvaakatonga. Haana kutongoitira rumwe rudzi saizvozvo; Kana zviri zvaakatonga, havana kuzviziva. Hareruya!
Verenga chikamu Mapisarema 147
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 147:12-20
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo