Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 147:12-20

Nziyo 147:12-20 SCLB

Rumbidza TENZI, Jerusaremu; rumbidza Mwari wako iwe Zioni nokuti anosimbisa zvihuri zvemisuwo yako mikuru anokomborera vana vari mauri. Anopa nyika yako rugare, anokugutsa nembeswa dzakanakisisa. Anotuma chirevo kunyika, shoko rake rinobva ramhanya nokukasika. Anounza mazaya echando sewuru; anoparadzira mazaya echando chamangwanani sedota. Anokanda chivhuramahwe samavhinga; ndiani angatirire chando chake. Anongotaura izwi chete zvichibva zvanyongodeka, anovhuvhutisa mhepo yake mvura ichibva yayerera. Akataura mazwi ake kune vekwaJakobho nemirao nezvirevo zvake kuvaIsiraeri. Haana kumboita zvakadai norumwe rudzi. Havazivi zvirevo zvake. Areruya.

Verenga chikamu Nziyo 147