Rumbidzai Jehovha. Zvakanaka sei kuimbira Mwari wedu nziyo dzokurumbidza, zvinofadza uye zvakafanira sei kumurumbidza! Jehovha anovaka Jerusarema; anounganidza vakadzingwa vaIsraeri. Anoporesa vane mwoyo yakaputsika, uye anosunga maronda avo. Anotara kuwanda kwenyeredzi, anodana imwe neimwe nezita rayo. Ishe wedu mukuru uye ane simba guru; kunzwisisa kwake hakuperi. Jehovha anotsigira vanozvininipisa, asi anowisira pasi vakaipa. Imbirai Jehovha nokuvonga; muimbire Mwari wedu nziyo dzokurumbidza nembira. Anofukidza denga namakore; anopa nyika mvura, uye anomeresa uswa pazvikomo. Anopa mombe zvokudya navana vamakunguo pavanochema. Mufaro wake hausi musimba rebhiza, uye mufaro wake hausi pamakumbo omunhu; Jehovha anofadzwa naavo vanomutya, vanoisa tariro yavo parudo rwake rusingaperi. Kudza Jehovha, iwe Jerusarema; rumbidza Mwari wako, iwe Zioni, nokuti anosimbisa mazariro amasuo ako, uye anoropafadza vanhu vako vari mauri. Anopa rugare pamiganhu yako, uye anokugutsa nezviyo zvakaisvonaka. Anotuma murayiro wake kunyika; shoko rake rinomhanya kwazvo. Anowarira chando samakushe amakwai, uye anoparadzira chando samadota. Anokanda chimvuramabwe pasi sezvimedu. Ndianiko angamira kana chando chake charova? Anotuma shoko rake rigozvinyungudisa; anomutsa mhepo yake, mvura zhinji igoerera. Akazarurira Jakobho shoko rake, mirayiro yake nezvirevo zvake kuna Israeri. Haana kumboita izvi kuno rumwe rudzi; havazivi mirayiro yake.
Verenga chikamu Mapisarema 147
Terera ku Mapisarema 147
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 147:1-20
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo