Rumbidzai TENZI, zvakanaka kuimba tichirumbidza Mwari wedu. Nokuti wakanaka uye zvakakodzera seiko kumuombera norumbo tichimurumbidza. TENZI anovakazve Jerusaremu, anounganidza vakaraswa vaIsiraeri. Anorapa vakarasa mwoyo, anosunga maronda avo. Ndiye akaronga uwandu hwenyenyedzi ndiye anodzidoma dzose namazita adzo. TENZI wedu mukuru uye ane simba rakawanda uye kunzwisisa kwake hakutauriki. TENZI anosimudzira vakadzvinyirirwa vakaipa anovaputsira pasi. Imbirai TENZI muchimutenda ridzirai Mwari wedu mumhanzi nechipendani. Anofukidza denga namakore; anonaisa mvura panyika; anokurisa uswa pamakomo. Ndiye anopa mhuka zvokudya zvadzo uye manyana amakunguo anochema. Haanei navanovimba nesimba ramabhiza, kana navanovimba navarwi vakasimba makumbo, asi TENZI anofadzwa navanomutya vanovimba nomwoyochena wake. Rumbidza TENZI, Jerusaremu; rumbidza Mwari wako iwe Zioni nokuti anosimbisa zvihuri zvemisuwo yako mikuru anokomborera vana vari mauri. Anopa nyika yako rugare, anokugutsa nembeswa dzakanakisisa. Anotuma chirevo kunyika, shoko rake rinobva ramhanya nokukasika. Anounza mazaya echando sewuru; anoparadzira mazaya echando chamangwanani sedota. Anokanda chivhuramahwe samavhinga; ndiani angatirire chando chake. Anongotaura izwi chete zvichibva zvanyongodeka, anovhuvhutisa mhepo yake mvura ichibva yayerera. Akataura mazwi ake kune vekwaJakobho nemirao nezvirevo zvake kuvaIsiraeri. Haana kumboita zvakadai norumwe rudzi. Havazivi zvirevo zvake. Areruya.
Verenga chikamu Nziyo 147
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 147:1-20
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo