Hareruya! Nokuti zvakanaka kuti Mwari wedu aimbirwe nziyo dzokurumbidza; Zvinofadza, uye kurumbidza kwakafanira. Jehovha anovaka Jerusaremu; Anounganidza vakadzingwa vaIsiraeri. Anoporesa vane mwoyo yakaputsika, Anosunga mavanga avo. Anotara kuwanda kwenyeredzi; Anodzipa dzose mazita adzo. Ishe wedu mukuru, anesimba guru; Njere dzake hadziperi. Jehovha anobatsira vanyoro; Vakaipa anovawisira pasi. Imbirai Jehovha muchimuvonga, Imbirai Mwari wedu nziyo dzokurumbidza nembira; Iye anofukidza denga namakore, Anogadzirira pasi mvura, Anomeresa uswa pamakomo. Anapa zvipfuwo zvokudya zvazvo, Navana vamakunguo, anochema. Haafadzwi nesimba rebhiza; Haafariri makumbo omurume. Jehovha anofara navanomutya, Navanotarira ngoni dzake. Rumbidza Jehovha, iwe Jerusaremu; Rumbidza Mwari wako, iwe Zioni. Nokuti wakasimbisa mazarira amasuo ako; Akaropafadza vana vako mukati mako. Anoisa rugare panyika yako; Anokugutisa nezviyo zvakaisvonaka. Anotuma mirairo yake panyika; Shoko rake rinomhanya kwazvo. Anopa vanhu chando samakushe amakwai, Anoparadzira chando samadota. Anokanda chimvuramabwe chake sezvimedu; Ndianiko angamira pachando chake? Anotuma shoko rake, ndokuzvinyausa; Anovhuvhutisa mhepo yake mvura ndokuyerera. Anozivisa Jakobho shoko rake, NaIsiraeri mitemo yake nezvaakatonga. Haana kutongoitira rumwe rudzi saizvozvo; Kana zviri zvaakatonga, havana kuzviziva. Hareruya!
Verenga chikamu Mapisarema 147
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 147:1-20
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo