Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 147:1-11

Mapisarema 147:1-11 BDSC

Rumbidzai Jehovha. Zvakanaka sei kuimbira Mwari wedu nziyo dzokurumbidza, zvinofadza uye zvakafanira sei kumurumbidza! Jehovha anovaka Jerusarema; anounganidza vakadzingwa vaIsraeri. Anoporesa vane mwoyo yakaputsika, uye anosunga maronda avo. Anotara kuwanda kwenyeredzi, anodana imwe neimwe nezita rayo. Ishe wedu mukuru uye ane simba guru; kunzwisisa kwake hakuperi. Jehovha anotsigira vanozvininipisa, asi anowisira pasi vakaipa. Imbirai Jehovha nokuvonga; muimbire Mwari wedu nziyo dzokurumbidza nembira. Anofukidza denga namakore; anopa nyika mvura, uye anomeresa uswa pazvikomo. Anopa mombe zvokudya navana vamakunguo pavanochema. Mufaro wake hausi musimba rebhiza, uye mufaro wake hausi pamakumbo omunhu; Jehovha anofadzwa naavo vanomutya, vanoisa tariro yavo parudo rwake rusingaperi.