Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 147:1-11

Nziyo 147:1-11 SCLB

Rumbidzai TENZI, zvakanaka kuimba tichirumbidza Mwari wedu. Nokuti wakanaka uye zvakakodzera seiko kumuombera norumbo tichimurumbidza. TENZI anovakazve Jerusaremu, anounganidza vakaraswa vaIsiraeri. Anorapa vakarasa mwoyo, anosunga maronda avo. Ndiye akaronga uwandu hwenyenyedzi ndiye anodzidoma dzose namazita adzo. TENZI wedu mukuru uye ane simba rakawanda uye kunzwisisa kwake hakutauriki. TENZI anosimudzira vakadzvinyirirwa vakaipa anovaputsira pasi. Imbirai TENZI muchimutenda ridzirai Mwari wedu mumhanzi nechipendani. Anofukidza denga namakore; anonaisa mvura panyika; anokurisa uswa pamakomo. Ndiye anopa mhuka zvokudya zvadzo uye manyana amakunguo anochema. Haanei navanovimba nesimba ramabhiza, kana navanovimba navarwi vakasimba makumbo, asi TENZI anofadzwa navanomutya vanovimba nomwoyochena wake.

Verenga chikamu Nziyo 147