Hareruya! Nokuti zvakanaka kuti Mwari wedu aimbirwe nziyo dzokurumbidza; Zvinofadza, uye kurumbidza kwakafanira. Jehovha anovaka Jerusaremu; Anounganidza vakadzingwa vaIsiraeri. Anoporesa vane mwoyo yakaputsika, Anosunga mavanga avo. Anotara kuwanda kwenyeredzi; Anodzipa dzose mazita adzo. Ishe wedu mukuru, anesimba guru; Njere dzake hadziperi. Jehovha anobatsira vanyoro; Vakaipa anovawisira pasi. Imbirai Jehovha muchimuvonga, Imbirai Mwari wedu nziyo dzokurumbidza nembira; Iye anofukidza denga namakore, Anogadzirira pasi mvura, Anomeresa uswa pamakomo. Anapa zvipfuwo zvokudya zvazvo, Navana vamakunguo, anochema. Haafadzwi nesimba rebhiza; Haafariri makumbo omurume. Jehovha anofara navanomutya, Navanotarira ngoni dzake.
Verenga chikamu Mapisarema 147
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 147:1-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo