Makaitira muranda wenyu zvakanaka, imi Jehovha, sezvakafanira shoko renyu. Ndidzidzisei zivo nokutonga kwakanaka, nokuti ndakatenda mirayiro yenyu. Pandakanga ndisati ndatambudzika, ndakatsauka, asi zvino ndinoteerera shoko renyu. Imi makanaka, uye munoita zvakanaka; ndidzidzisei mitemo yenyu. Kunyange vanozvikudza vakandipomera nhema, ndinochengeta zvamakatema nomwoyo wangu wose. Mwoyo yavo yakasindimara uye hainzwisisi, asi ndinofarira murayiro wenyu. Zvakanga zvakanaka kuti nditambudzike, kuitira kuti ndigodzidza mitemo yenyu. Murayiro unobva pamuromo wenyu unokosha kwandiri, kupfuura zviuru zvezvimedu zvesirivha negoridhe. Maoko enyu akandisika uye akandiumba; ndipei kunzwisisa kuti ndigodzidza mirayiro yenyu. Avo vanokutyai ngavafare pavanondiona, nokuti ndakaisa tariro yangu pashoko renyu. Haiwa Jehovha, ndinoziva kuti mirayiro yenyu yakarurama, uye kuti makanditambudza mukutendeka kwenyu. Rudo rwenyu rusingaperi ngarutinyaradze, maererano nechivimbiso chenyu kumuranda wenyu. Tsitsi dzenyu ngadziuye kwandiri kuti ndirarame, nokuti murayiro wenyu ndiwo mufaro wangu. Vanozvikudza ngavanyadziswe pakundikanganisira ndisina mhaka, asi ini ndichafungisisa zvirevo zvenyu. Vanokutyai ngavadzokere kwandiri, ivo vanonzwisisa zvamakatema. Mwoyo wangu ngaushaye chaungapomerwa pamitemo yenyu, kuti ndirege kunyadziswa.
Verenga chikamu Mapisarema 119
Terera ku Mapisarema 119
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 119:65-80
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo