Mapisarema 119:65-80
Mapisarema 119:65-80 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Makaitira muranda wenyu zvakanaka, imi Jehovha, sezvakafanira shoko renyu. Ndidzidzisei zivo nokutonga kwakanaka, nokuti ndakatenda mirayiro yenyu. Pandakanga ndisati ndatambudzika, ndakatsauka, asi zvino ndinoteerera shoko renyu. Imi makanaka, uye munoita zvakanaka; ndidzidzisei mitemo yenyu. Kunyange vanozvikudza vakandipomera nhema, ndinochengeta zvamakatema nomwoyo wangu wose. Mwoyo yavo yakasindimara uye hainzwisisi, asi ndinofarira murayiro wenyu. Zvakanga zvakanaka kuti nditambudzike, kuitira kuti ndigodzidza mitemo yenyu. Murayiro unobva pamuromo wenyu unokosha kwandiri, kupfuura zviuru zvezvimedu zvesirivha negoridhe. Maoko enyu akandisika uye akandiumba; ndipei kunzwisisa kuti ndigodzidza mirayiro yenyu. Avo vanokutyai ngavafare pavanondiona, nokuti ndakaisa tariro yangu pashoko renyu. Haiwa Jehovha, ndinoziva kuti mirayiro yenyu yakarurama, uye kuti makanditambudza mukutendeka kwenyu. Rudo rwenyu rusingaperi ngarutinyaradze, maererano nechivimbiso chenyu kumuranda wenyu. Tsitsi dzenyu ngadziuye kwandiri kuti ndirarame, nokuti murayiro wenyu ndiwo mufaro wangu. Vanozvikudza ngavanyadziswe pakundikanganisira ndisina mhaka, asi ini ndichafungisisa zvirevo zvenyu. Vanokutyai ngavadzokere kwandiri, ivo vanonzwisisa zvamakatema. Mwoyo wangu ngaushaye chaungapomerwa pamitemo yenyu, kuti ndirege kunyadziswa.
Mapisarema 119:65-80 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Makaitira muranda wenyu zvakanaka, Jehovha, sezvinoreva shoko renyu. Ndidzidzisei ungwaru hwakanaka nenjere; Nokuti ndakatenda mirairo yenyu. Ndakati ndichigere kutambudzika ndikarashika; Asi zvino ndinochengeta shoko renyu. Imi makanaka, uye munoita zvakanaka; Ndidzidzisei mitemo yenyu. Vanozvikudza vakandipomera nhema; Ndichachengeta zvirevo zvenyu nomwoyo wangu wose. Mwoyo wavo wakakora samafuta; Asi ini ndinofarira murau wenyu kwazvo. Zvakanga zvakanaka kuti nditambudzike; Kuti ndidzidze mitemo yenyu. Murau womuromo wenyu wakanaka kwandiri Kukunda zviuru zvamazana zvendarama nesirivha. Maoko enyu akandiita nokundisimbisa; Ndipei kunzwisisa, kuti ndidzidze mirairo yenyu. Vanokutyai vachandiona ndokufara; Nokuti ndakatarira shoko renyu. Ndinoziva, Jehovha, kuti zvamakatonga zvakarurama, Uye kuti makanditambudza nokutendeka. Ndinokumbira kuti tsitsi dzenyu dzindinyaradze, Sezvamakareva kumuranda wenyu. Unyoro hwenyu ngauye kwandiri, kuti ndirarame; Nokuti murau wenyu ndiwo mufaro wangu mukuru. Vanozvikudza ngavanyadziswe; nokuti vakandiitira zvakaipa ndisina mhosva; Asi ndichafungisisa zvirevo zvenyu. Vanokutyai ngavadzokere kwandiri, Vagoziva zvipupuriro zvenyu. Mwoyo wangu ngaururame pamitemo yenyu; Kuti ndirege kunyadziswa.
Mapisarema 119:65-80 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Makachengeta ini muranda wenyu zvakanaka, TENZI, sokutaura kwenyu. Teti Ndipeiwo ungwaru pakufunga uye ruzivo nokuti ndinovimba nemitemo yenyu. Ndisati ndarohwa neshamhu ndakarasika asi pari zvino ndinochengeta shoko renyu. Makanaka uye munoita zvakanaka, ndidzidziseiwo mitemo yenyu. Vanozvikudza vanondizorazora nhema; asi ndinochengeta mitemo yenyu nemwoyo wangu wose. Asi vakaoma mwoyo, havana hanya asi ini ndinofarira mutemo wenyu. Zvakanaka kuti ndakamborwadziwa kuti ndidzidze mitemo yenyu Mutemo unobva pamuromo penyu urinani kwandiri kupfuura zviuru zvemari yendarama nesirivha. Maoko enyu ndiwo akandisika akandiumba, ndipeiwo kunzwisisa kuti ndidzidze mitemo yenyu. Yodi Vanokutyai vachandiona vagofara nokuti ndakatarisira mamuri. Ndinoziva kuti zvirongwa zvenyu zvakarurama, TENZI uye kuti makandirwadzisa zviri pamutemo. Ndinyaradzeiwo nemwoyochena wenyu sokutsidza kwenyu kuneni muranda wenyu. Svikai kwandiri nengoni dzenyu kuti ndirarame nokuti ndinofarira mutemo wenyu. Vanozvikudza ngavanyadziswe nokuti vakandipomera nenhema asi ini ndichanyatsofunga nezvemitemo yenyu. Vanokutyai ngavauye kwandiri kuti vazive mitemo yenyu. Dai ndikangoteerera mitemo nemwoyo wangu wose kuti ndirege kunyadziswa.
Mapisarema 119:65-80 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Makaitira muranda wenyu ɀakanaka, Jehova, seɀinoreʋa shoko renyu. Ndidzidzisei ʋuŋgwaru bgakanaka nenjere; Nokuti ndakatenda mirairo yenyu. Ndakati ndicigere kutambudzika ndikarashika; Asi ɀino ndinoceŋgeta shoko renyu. Imi makanaka, ʋuye munoita ɀakanaka; Ndidzidzisei mitemo yenyu. Ʋanoɀikudza ʋakandipomera nhema; Ndicaceŋgeta ɀireʋo ɀenyu nomŋoyo waŋgu wose. Mŋoyo waʋo wakakora samafuta; Asi ini ndinofarira murau wenyu kwaɀo. Ɀakaŋga ɀakanaka kuti nditambudzike; Kuti ndidzidze mitemo yenyu. Murau womuromo wenyu wakanaka kwandiri Kukunda ɀuru ɀamazana ɀendarama nesirveri. Maʋoko enyu akandiita nokundisimbisa; Ndipei kunzwisisa, kuti ndidzidze mirairo yenyu. Ʋanokutyai ʋacandiʋona ndokufara; Nokuti ndakatarira shoko renyu. Ndinoziʋa, Jehova, kuti ɀamakatoŋga ɀakarurama, Ʋuye kuti makanditambudza nokutendeka. Ndinokumbira kuti tsitsi dzenyu dzindinyaradze, Seɀamakareʋa kumuranda wenyu. Ʋunyoro bgenyu ŋgaʋuʋuye kwandiri, kuti ndirarame; Nokuti murau wenyu ndiwo mufaro waŋgu mukuru. Ʋanoɀikudza ŋgaʋanyadziswe; nokuti ʋakandiitira ɀakaipa ndisinemhoȿa; Asi ndicafuŋgisisa ɀireʋo ɀenyu. Ʋanokutyai ŋgaʋadzokere kwandiri, Ʋagoziʋa ɀipupuriro ɀenyu. Mŋoyo waŋgu ŋgaururame pamitemo yenyu; Kuti ndirege kunyadziswa.
Mapisarema 119:65-80 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)