Makachengeta ini muranda wenyu zvakanaka, TENZI, sokutaura kwenyu. Teti Ndipeiwo ungwaru pakufunga uye ruzivo nokuti ndinovimba nemitemo yenyu. Ndisati ndarohwa neshamhu ndakarasika asi pari zvino ndinochengeta shoko renyu. Makanaka uye munoita zvakanaka, ndidzidziseiwo mitemo yenyu. Vanozvikudza vanondizorazora nhema; asi ndinochengeta mitemo yenyu nemwoyo wangu wose. Asi vakaoma mwoyo, havana hanya asi ini ndinofarira mutemo wenyu. Zvakanaka kuti ndakamborwadziwa kuti ndidzidze mitemo yenyu Mutemo unobva pamuromo penyu urinani kwandiri kupfuura zviuru zvemari yendarama nesirivha. Maoko enyu ndiwo akandisika akandiumba, ndipeiwo kunzwisisa kuti ndidzidze mitemo yenyu. Yodi Vanokutyai vachandiona vagofara nokuti ndakatarisira mamuri. Ndinoziva kuti zvirongwa zvenyu zvakarurama, TENZI uye kuti makandirwadzisa zviri pamutemo. Ndinyaradzeiwo nemwoyochena wenyu sokutsidza kwenyu kuneni muranda wenyu. Svikai kwandiri nengoni dzenyu kuti ndirarame nokuti ndinofarira mutemo wenyu. Vanozvikudza ngavanyadziswe nokuti vakandipomera nenhema asi ini ndichanyatsofunga nezvemitemo yenyu. Vanokutyai ngavauye kwandiri kuti vazive mitemo yenyu. Dai ndikangoteerera mitemo nemwoyo wangu wose kuti ndirege kunyadziswa.
Verenga chikamu Nziyo 119
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 119:65-80
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo