Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 119:65-80

Mapisarema 119:65-80 SNA2002

Makaitira muranda wenyu zvakanaka, Jehovha, sezvinoreva shoko renyu. Ndidzidzisei ungwaru hwakanaka nenjere; Nokuti ndakatenda mirairo yenyu. Ndakati ndichigere kutambudzika ndikarashika; Asi zvino ndinochengeta shoko renyu. Imi makanaka, uye munoita zvakanaka; Ndidzidzisei mitemo yenyu. Vanozvikudza vakandipomera nhema; Ndichachengeta zvirevo zvenyu nomwoyo wangu wose. Mwoyo wavo wakakora samafuta; Asi ini ndinofarira murau wenyu kwazvo. Zvakanga zvakanaka kuti nditambudzike; Kuti ndidzidze mitemo yenyu. Murau womuromo wenyu wakanaka kwandiri Kukunda zviuru zvamazana zvendarama nesirivha. Maoko enyu akandiita nokundisimbisa; Ndipei kunzwisisa, kuti ndidzidze mirairo yenyu. Vanokutyai vachandiona ndokufara; Nokuti ndakatarira shoko renyu. Ndinoziva, Jehovha, kuti zvamakatonga zvakarurama, Uye kuti makanditambudza nokutendeka. Ndinokumbira kuti tsitsi dzenyu dzindinyaradze, Sezvamakareva kumuranda wenyu. Unyoro hwenyu ngauye kwandiri, kuti ndirarame; Nokuti murau wenyu ndiwo mufaro wangu mukuru. Vanozvikudza ngavanyadziswe; nokuti vakandiitira zvakaipa ndisina mhosva; Asi ndichafungisisa zvirevo zvenyu. Vanokutyai ngavadzokere kwandiri, Vagoziva zvipupuriro zvenyu. Mwoyo wangu ngaururame pamitemo yenyu; Kuti ndirege kunyadziswa.