Ndakaradzikwa pasi muguruva; chengetedzai upenyu hwangu sezvinoreva shoko renyu. Ndakarevazve nzira dzangu imi mukandipindura; ndidzidzisei mitemo yenyu. Itai kuti ndinzwisise zvirevo zvenyu; ipapo ndichafungisisa pamusoro pezvishamiso zvenyu. Mweya wangu waziya nokusuwa; ndisimbisei sezvinoreva shoko renyu. Ndibvisei panzira dzokunyengera; ndinzwirei nyasha kubudikidza nomurayiro wenyu. Ndakasarudza nzira yechokwadi; ndakaisa mwoyo wangu pamurayiro wenyu. Haiwa Jehovha, ini ndichabatirira pazvirevo zvenyu; musandirega ndichinyadziswa. Ndinomhanya munzira yomurayiro wenyu, nokuti makasunungura mwoyo wangu.
Verenga chikamu Mapisarema 119
Terera ku Mapisarema 119
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 119:25-32
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo