Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 119:25-32

Mapisarema 119:25-32 SNA2002

Mweya wangu unonamatira guruva; Ndiponesei neshoko renyu. Ndakadudzira nzira dzangu, imi makandipindura; Ndidzidzisei mitemo yenyu. Ndidzidzisei ndinzwisise nzira yezvirevo zvenyu; Ipapo ndichafungisisa mabasa enyu anoshamisa. Mweya wangu unonyunguruka nokuremerwa; Ndisimbisei sezvinorehwa neshoko renyu. Bvisai kwandiri nzira yenhema; Nenyasha dzenyu mundipe murau wenyu. Ndakasanangura nzira yakatendeka; Ndakaisa zvamakatonga pamberi pangu. Ndinonamatira zvipupuriro zvenyu; Jehovha, regai kundinyadzisa. Ndichamhanya nenzira yemirairo yenyu, Kana munenge makurisa mwoyo wangu.